|
| 1 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota. |
|
| 2 |
|
| Asi ndichatuma moto kuvaMoabhi, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhi vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda; |
|
| 3 |
|
| ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 4 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo. |
|
| 5 |
|
| Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu.” |
|
| 6 |
|
| Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye anoshaiwa, vachipiwa shangu mbiri; |
|
| 7 |
|
| ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene; |
|
| 8 |
|
| vanovata pasi pamaaritari ose panguo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanonwa waini yavakaripiswa, mumba maMwari wavo. |
|
| 9 |
|
| “Kunyange zvakadaro ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyange zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro nemidzi yavo pasi. |
|
| 10 |
|
| Ndakakubudisaiwo munyika yeIjipiti, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yavaAmori. |
|
| 11 |
|
| Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Ha ndizvo here, imi vana vaIsiraeri? |
|
| 12 |
|
| Asi makapa vaNaziri waini vanwe, nokuraira vaporofita, muchiti, ‘Regai kuporofita.’ |
|
| 13 |
|
| Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda. |
|
| 14 |
|
| Anomhanyisa achakoniwa kutiza, anesimba haangasimbisi simba rake, kunyange nemhare haingazvirwiri. |
|
| 15 |
|
| Kunyange anobata uta haangamiri, anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyange akatasva bhiza haangarwiri hupenyu hwake; |
|
| 16 |
|
| ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
|
|
|