|
| 1 |
|
| Chinzwai shoko rinotaurwa naTENZI rokukuyambirai imi vanhu veIsiraeri, ndichiyambira mhuri yose zvayo yandakaburitsa munyika yeIjipiti: |
|
| 2 |
|
| “Imimi chete ndimi vandinoziva pamhuri dzose dzapasi pano, naizvozvo ini ndichakurangirai uipi hwenyu hwose.” |
|
| 3 |
|
| Ko vanhu vaviri vangafambe pamwechete vasina kurangana here? |
|
| 4 |
|
| Ko shumba ingahon'e musango here iyo isina nyama yayabata? Ko shumba ichine simba rayo zvayo ingadhurume here mubako mayo iyo isina chayakabata? |
|
| 5 |
|
| Ko ipo panyika pano shiri ingabatwe pamusungo pasina kuteiwa here? Ko musungo ungarapuka here usina chinhu chawabata? |
|
| 6 |
|
| Ko tsuri ingaridzwe here muguta vanhu vakasatya? Ko guta ringawirwa nenhamo here TENZI asina kutoti zviitike? |
|
| 7 |
|
| TENZI Mwari haana chaanomboita asina kutanga ambozivisa vaporofita, varanda vake. |
|
| 8 |
|
| Kana shumba ikadzvova ndiani asingatyi? TENZI Mwari akataura ndiani angasaporofita. |
|
| 9 |
|
| Daidzirai kumizinda yeAsiria nokumizinda yeIjipiti muti, “Unganai pagomo reSamaria muone zvenyu nyonganyonga iri mariri namabatirwo akaipa ari kuitwa vanhu mariri.” |
|
| 10 |
|
| Zvanzi naTENZI, “Havazivi kuita zvinhu nemazvo, vanotopfimbika utsinye nokupamba mumizinda mavo. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo, zvanzi naTENZI Mwari, muvengi achakomba nyika ino agokoromora zvinokudzivirirai zvacho nhare yenyu yokuzvidzivirira nayo muhondo igopambwa.” |
|
| 12 |
|
| Saka zvanzi naTENZI, “Sokununura kunoita mufudzi mukanwa meshumba, makumbo zvawo maviri echipfuwo kana kuti kadimbu kenzeve, ndozvichangoitwawo vanhu veIsiraeri vanogara muSamaria vachinunurwa vari pakakona kesofa kana pachidimbu chomubhedha. |
|
| 13 |
|
| “Chinzwa, uzivise vemba yaJakobho,” ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari, Mwari wehondo nehondo, “Kuti |
|
| 14 |
|
| pazuva randicharangira Isiraeri kutadza kwayo, ndichavinga atari dzeBhetieri, zvinenge nyanga zvapaatari yacho zvichagwishurwa zvigoti kwatarara pasi. |
|
| 15 |
|
| Ndichaparadza dzimba dzokugara mumwaka wechando nedzimba dzapazhizha nedzimbawo dzomunyanga wenzou dzichaparara, uye dzimba dzakawanda dzichaparara.” Ndizvo zviri kutaura TENZI. |
|
|
|
|