|
| 1 |
|
| Teererai munzwe shoko rakanangana nemi randava kutaura ndichiungudza, kwamuri imi vemba yaIsiraeri rokuti, |
|
| 2 |
|
| “Isiraeri, waparara, zvokumukazve hapasisina, wava mhandara yarambwa, uri munyika mako imomo usisina kana newokukusumudzawo.” |
|
| 3 |
|
| Ndinodaro nokuti zvanzi naTENZI Mwari, “Guta rakabuda chiuru chavarwi, richasara rava nezana revarwi, uye rakabudawo zana revarwi richasara rava navarwi gumi vokumba kwaIsiraeri.” |
|
| 4 |
|
| Nokuti TENZI ari kutaurira vemba yaIsiraeri kuti, “Nditsvakei mugorarama, |
|
| 5 |
|
| asi regai kutsvaka kunamata zvokuBhetieri, kana kupinda zvenyu muGirigari kunyange kuyambukira kuBheerishevha pamusana pokuti Girigari ichatoenda chete muutapwa uyewo Bhetieri zvichaiperera.” |
|
| 6 |
|
| Tsvagai TENZI, murarame, angadaro akaviruka somoto mumba yokwaJosefi, akaitsakatisa pasina kana anoidzimura achireverera Bhetieri. |
|
| 7 |
|
| Hokoyoi imi munosandura ruenzaniso muchiruita gavakava chairo kuvava muchikanda pasi ururami. |
|
| 8 |
|
| Iye akasika nyenyedzi dzechinyamutanhatu nedzegwara ravatonga; iye anosandura rima rakati kwirindindi kuti rive mangwanani zvavo achiita kuti masikati ave usiku, iye anodaidza mvura yegungwa achiidira pasi panyika, zita rake iyeyo, ndiYahweh, |
|
| 9 |
|
| anoita kuti kuparadza vane simba, kurove semheni zvokuti umharadzi hunobva hwawira nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. |
|
| 10 |
|
| Vanhu vanovenga munhu anovatsiura padare, vachizvonda anotaura chokwadi. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo, pamusana pokuti imi munotsokodzera pasi murombo muchimumanikidza kuti atokupai chete koroni, dzimba dzamakavaka dzamabwe akavezwa, hamudzigari mukasimaka imi munda yakanakisa yamagirepisi, asi hamusi kuzonwa waini yaiwo. |
|
| 12 |
|
| Ndinodaro nokuti ndinoziva ini kuwanda kwezvamakakanganisa nokukura kwakaita zvitadzo zvenyu, iyemi munoonesa ndondo vakarurama, munogamuchira pfumbamuromo padare muchiti kumunhu ane nhuna dzaanadzo tibvire pano. |
|
| 13 |
|
| Naizvozvo munhu akangwara anonyarara zvake panguva dzakaita saidzodzi idzi, nokuti inguva dzakaipa. |
|
| 14 |
|
| Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa kuitira kuti murarame, nezvo TENZI, Mwari wehondo nehondo, achava nemi, sokureva kwenyu. |
|
| 15 |
|
| Vengai zvakaipa mude zvakanaka musimbise zvoruenzaniso padare. Zvimwe TENZI, Mwari wehondo nehondo, angaitire nyasha chitsama chakasara chevokwaJosefi. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo zvanzi naTENZI, Mwari wehondo nehondo iye TENZI, “Munhandare dzose zvadzo muchange muchihwihwidzwa kuchema, mumigwagwa yomuguta yose zvayo vachati, ‘Yowe maiwe-e!’ Vachadaidza varimi kundochema vachadaidzawo vebasa rokuhwihwidza kuzoungudza, |
|
| 17 |
|
| nomuminda yose yamagirepisi muchava nokuhwihwidza kuchema nokuti ndichapfuura nomukati menyu,” ndizvo zviri kutaura TENZI. |
|
| 18 |
|
| Zvichakuwanai imi munoti dai zuva raTENZI rachingosvika. Chamunodira chaizvo kuti zuva raTENZI risvike, chii? Izuva rerima kwete rechiedza |
|
| 19 |
|
| rakaita somunhu anoti, uku ari kutiza shumba obva anowira mukanwa mebere; kana kuti somunhu anoti pindei mumba ozendama zvake noruoko kumadziro nyoka yobva yamuruma. |
|
| 20 |
|
| Ko handiti zuva raTENZI, izuva rerima here, kwete rechiedza, zuva rakati kwirindindi kusviba, risina kana nekanopenya mariri. |
|
| 21 |
|
| “Ndinovenga, uye ndinozvidza mazuva enyu makuru, handisi kumbofarira zvangu misangano yenyu yezvokunamata. |
|
| 22 |
|
| Kunyange zvenyu mukapira kwandiri mipiro yenyu yokupisa nemipiro yenyu yembesanwa handisi kuzoigamuchira. Kanawo mipiro yokuwadzana yezvipfuwo zvenyu zvakakodzwa, handisi kuzoitarisa. |
|
| 23 |
|
| Ndinyararirei mheremhere yenziyo dzenyu, mumhanzi wamadimbwa enyu handisi kana kuzombouteerera. |
|
| 24 |
|
| Asi ruenzaniso ngarudirane kuyerera semvura uye kururama kuitewo sorukova runogarosaruka ruchingoyerera. |
|
| 25 |
|
| “Ko makambouya here kwandiri nezvibayiro kana nemipiro kwamakumi mana amakore amakanga muri murenje, nhaimi vemba yaIsiraeri? |
|
| 26 |
|
| Imi muchatakura zvifananidzo zvenyu zvokunamata zvamakazvigadzirira zvinoti Sakuti, mambo wenyu naKaiwani, mwari wenyu wenyenyedzi. |
|
| 27 |
|
| Naizvozvo ndichakutorai ndichikuendesai muutapwa mberi kupfuura guta reDhamasikusi.” Ndizvo zviri kutaura TENZI anonziwo Mwari wehondo nehondo. |
|
|
|
|