|
| 1 |
|
| Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera. |
|
| 2 |
|
| Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?” |
|
| 3 |
|
| Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, “Hazvingaitwi.” |
|
| 4 |
|
| Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo. |
|
| 5 |
|
| Ipapo ndakati, “Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?” |
|
| 6 |
|
| Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, “Nezvizviwo hazvingaitwi.” |
|
| 7 |
|
| Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa netambo yokuyeresa, akabata tambo yokuyeresa muruoko rwake. |
|
| 8 |
|
| Jehovha akati kwandiri, “Amosi unooneiko?” Ini ndikati, “Tambo yokuyeresa nayo.” Zvino Ishe akati, “Tarirai, ndichaisa tambo yokuyeresa pakati pavanhu vangu VaIsiraeri, handichatongovadarikizve; |
|
| 9 |
|
| nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoamu nomunondo.” |
|
| 10 |
|
| Zvino Amaziya mupristi weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoamu mambo waIsiraeri, achiti, “Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose. |
|
| 11 |
|
| Nokuti Amosi anoti, ‘Jerobhoamu achaurayiwa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ” |
|
| 12 |
|
| Amaziya akatiwo kuna Amosi, “Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo; |
|
| 13 |
|
| asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, imba yamadzimambo.” |
|
| 14 |
|
| Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amaziya, “Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde, |
|
| 15 |
|
| Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda, undoporofita kuvanhu vangu VaIsiraeri.’ |
|
| 16 |
|
| Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, ‘Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;’ |
|
| 17 |
|
| naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa notambo yokuyeresa narwo; iwe amene uchafira munyika isakanaka, uye VaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.’ ” |
|
|
|
|