|
| 1 |
|
| Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti, |
|
| 2 |
|
| " Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu." |
|
| 3 |
|
| Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJehovha; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehovha. |
|
| 4 |
|
| Asi Jehovha akatuma mhepo inopenga pagungwa, dutu guru rikamuka pagungwa, chikepe chikashumba kuputsika. |
|
| 5 |
|
| Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo. |
|
| 6 |
|
| Ipapo mwene wechikepe akauya kwaari, akati kwaari, "Nhai, iwe muvati, wakaita seiko? Simuka, dana kuna Mwari wako, zvimwe Mwari angatirangarira, tikasaparara." |
|
| 7 |
|
| Zvino mumwe nomumwe wakati kushamwari yake, "Uyai tikande mijenya, tizive kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani." Ipapo vakakanda mijenya, mujenya ukabata Jona. |
|
| 8 |
|
| Zvino vakati kwaari, "Chitiudza hako, kuti njodzi iyi yatiwira nokuda kwaani; basa rako ndereiko? Wabvepiko? Nyika yako ndeipi? Uri worudzi rupi?" |
|
| 9 |
|
| Iye akati kwavari, "Ndiri muHebheru, ndinotya Mwari wokudenga, akaita gungwa nenyika yakaoma." |
|
| 10 |
|
| Ipapo varume vakatya kwazvo-kwazvo, vakati kwaari, "Chinyiko ichi chawaita?" Nokuti varume vakanga vachiziva kuti anotiza pamberi paJehovha, nokuti akavaudza. |
|
| 11 |
|
| Zvino vakati kwaari, "Tichakuiteiko, kuti gungwa ritinyararire?" Nokuti gungwa rakaramba richinyanya kupenga. |
|
| 12 |
|
| Iye akati kwavari, "Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai; nokuti ndinoziva kuti dutu iri guru rakakuwirai nokuda kwangu." |
|
| 13 |
|
| Kunyange zvakadaro varume vakakwasva nesimba vachiidza kudzokera kunyika; asi vakakoniwa, nokuti gungwa rakaramba richinyanya kuvapengera. |
|
| 14 |
|
| Naizvozvo vakadana kuna Jehovha, vakati, "Tinokunyengeterai, imwi Jehovha, tinokunyengeterai, kuti tirege kuparara nokuda koupenyu hwomunhu uyu, murege kutisundira mhosva yeropa risina mhaka; nokuti imwi Jehovha makaita sezvamakada henyu." |
|
| 15 |
|
| Ipapo vakasimudza Jona, vakamukandira mugungwa, gungwa rikanyarara pakupenga kwaro. |
|
| 16 |
|
| Ipapo varume vakatya Jehovha kwazvo-kwazvo, vakabayira Jehovha chibayiro, nokumupikira mhiko. |
|
| 17 |
|
| Jehovha akatuma hove huru kundomedza Jona, Jona akava mudumbu rehove mazuva matatu novusiku vutatu. |
|
|
|
|