Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove. |
| 2 |
| Akati, “Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu. |
| 3 |
| Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu. |
| 4 |
| Ndikati, ‘Ndarashwa, hamuchandioni;’ Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene. |
| 5 |
| Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu. |
| 6 |
| Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu. |
| 7 |
| Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene. |
| 8 |
| Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo. |
| 9 |
| Asi ndichakubayirai nezwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha.” |
| 10 |
| Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/jonah/002.mp3
4
2