Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti, |
| 2 |
| “Simuka, uende Ninivha, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.” |
| 3 |
| Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivha, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivha raiva guta guru–guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo. |
| 4 |
| Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivha richaparadzwa.” |
| 5 |
| Vanhu veNinivha vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo. |
| 6 |
| Shoko rikasvika kuna mambo weNinivha, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota. |
| 7 |
| Akaraira, akaparidza muNinivha rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, “Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura; |
| 8 |
| asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake. |
| 9 |
| “Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?” |
| 10 |
| Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/jonah/003.mp3
4
3