Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema. |
| 2 |
| Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose, teerera, iwe nyika navose vari mauri, kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva, Jehovha ari mutemberi yake tsvene. |
| 3 |
| Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yake: anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika. |
| 4 |
| Makomo achanyongodeka pasi pake uye mipata ichapamuka, senamo pamoto, semvura inoyerera pamawere. |
| 5 |
| Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Hakuzi Samaria here? Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko? Haizi Jerusarema here? |
| 6 |
| “Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe, nzvimbo yokusima minda yemizambiringa. |
| 7 |
| Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu; zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto; ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose. Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve, semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.” |
| 8 |
| Nokuda kwaizvozvo ndichachema nokuungudza; ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka. Ndichaungudza segava uye ndichachema sezizi. |
| 9 |
| Nokuti ronda rake harirapiki; rasvika kuna Judha. Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo, kunyange kuJerusarema chaiko. |
| 10 |
| Musazvireva paGati; musambochema. MuBheti Ofira umburukai muguruva. |
| 11 |
| Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara, imi munogara muShafiri. Avo vanogara muZaanani havangabudi kunze. Bheti Ezeri riri mukuchema; kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri. |
| 12 |
| Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru vakamirira kudzikinurwa, nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha. kunyange pasuo reJerusarema. |
| 13 |
| Imi vanogara muRakishi, sungai mabhiza enyu pangoro. Ndimi makava mavambo echivi kuMwanasikana weZioni, Nokuti kudarika kwaIsraeri kwakawanikwa mamuri. |
| 14 |
| Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana kuna Moresheti Gati. Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri. kumadzimambo aIsraeri. |
| 15 |
| Ndichauyisa mukundi kwauri iwe unogara muMaresha. Iye anova kubwinya kwaIsraeri achauya kuAdhuramu. |
| 16 |
| Veurai misoro yenyu mukuchema nokuda kwavana vamunofarira; zviitei musvuu sowegora, nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/micah/001.mp3
7
1