|
| 1 |
|
| Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana koedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo. |
|
| 2 |
|
| Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake. |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.' |
|
| 4 |
|
| Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kokurira, vachiti, `Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, aiwa wanditorera ini sei! Minda yedu anoigovera vanomumukira.' |
|
| 5 |
|
| "Saka iwe uchashaiwa munhu anokukandira rwonzi rwokuyera nhaka yako paungano yaJehovha. |
|
| 6 |
|
| Regai kuporofita ndizvo zvavanoporofita ivo. Kana vasingaporofiti pamusoro pezvinhu izvi, kushoora kwavo hakungaperi. |
|
| 7 |
|
| Nhai imwi munonzi imba yaJakobho, Mweya waJehovha wafupiswa here? Ndiwo mabasa ake here? Ko mashoko angu haangaitiri zvakanaka anofamba nokururama here? |
|
| 8 |
|
| "Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi; munobvisa jasi panguvo dzavanopfuura havo norugare vasingadi kurwa. |
|
| 9 |
|
| Munodzinga vakadzi vavanhu vangu padzimba dzavo dzinofadza; munoteerera vana vavo vaduku mbiri yangu nokusingaperi. |
|
| 10 |
|
| simukai, muende, nokuti haizi nzvimbo yokuzorora pano, nemhaka yetsvina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwazvo. |
|
| 11 |
|
| Kana munhu aripo, anofambira mhepo nenhema, anoreva nhema achiti, `Ndichakuporofitira zvewaini nezvinomwiwa zvinobata,' ndiye achava muporofita wavanhu ava. |
|
| 12 |
|
| "Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imwi mose, imwi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu. |
|
| 13 |
|
| Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo." |
|
|
|
|