Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Ini ndakati, “Chinzwai henyu, imi vakuru vaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri. Ko hamuzaifanira kuziva kururamisira vanhu here? |
| 2 |
| Iyemi, munovenga zvakanaka, muchida zvakaipa, munovhiya vanhu ganda ravo, muchibvambura nyama yavo pamapfupa avo; |
| 3 |
| imi, munodyawo nyama yavanhu vangu, muchisvuura ganda ravo, munovhuna mapfupa avo, muchiaguranya, sezvinoiswa muhari, senyama iri mugate. |
| 4 |
| Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavapinduri; zvirokwazvo achavavanzira chiso chake nenguva iyo, nokuda kwezvakaipa zvavakaita pamabasa avo. |
| 5 |
| Zvanzi naJehovha pamusoro pavaporofita, vakatsausa vanhu vangu, vanoruma nameno avo, vachidana vachiti, ‘Rugare!’ Asi asingaisi chinhu mumiromo yavo, vanomumukira hondo. |
| 6 |
| Naizvozvo muchasvikirwa nousiku, kuti murege kuva nechamunoona; muchava nerima, kuti murege kuuka; zuva richavirira vaporofita, chiedza chamasikati chichavasvibira. |
| 7 |
| Vaoni vachanyadziswa, navauki vachakanganiswa; zvirokwazvo, vose vachapfumbira ndebvu dzavo, nokuti hakune mhinduro inobva kuna Mwari. |
| 8 |
| “Asi kana ndirini, ndizere nesimba pamwechete noMweya waJehovha, nokutonga nokutsunga, kuti ndiparidzire Jakobho kudarika kwavo, uye Isiraeri zvivi zvavo. |
| 9 |
| Chinzwai henyu chinhu ichi, imi vakuru veimba yaJakobho, navabati veimba yaIsiraeri, iyemi, munosema kururamisa, nokuminamisa zvose zvakarurama. |
| 10 |
| Munovaka Zioni neropa, uye Jerusaremu nezvakaipa. |
| 11 |
| Vakuru varo vanotamba mhaka kuti vapiwe zvipo, vapristi varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, vaporofita varo vanouka kuti vapiwe mari; kunyange zvakadaro vanosendamira kuda Jehovha vachiti, ‘Ko Jehovha haazi pakati pedu here? Hatingawirwi nezvakaipa.’ |
| 12 |
| Naizvozvo Zioni richarimwa somunda nemhaka yenyu, Jerusaremu richaitwa mirwi yamabwe, uye gomo reimba yaJehovha senzvimbo dzakakwirira dzokudondo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/micah/003.mp3
7
3