Shona Bible 2002
|
| 1 |
| “Asi namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri. |
| 2 |
| Marudzi mazhinji achaenda, achiti, ‘Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndipo pachabuda murayiro, napaJerusaremu shoko raJehovha.’ |
| 3 |
| Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. |
| 4 |
| Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo. |
| 5 |
| Nokuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri. |
| 6 |
| “Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaunganidza vanokamhina, ndichaunganidza vakadzingwa, navakatambudzwa neni; |
| 7 |
| vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZioni kubva zvino nokusingaperi. |
| 8 |
| “Zvino iwe, rutura rwamakwai, iwe chikomo chomukunda weZioni, zvichasvika kwauri, zvirokwazvo ushe hwokutanga huchasvika, ihwo ushe hwomukunda weJerusaremu. |
| 9 |
| Zvino munodanidzireiko? Hakuna mambo pakati penyu here, gota renyu raparara here, zvamabatwa nokurwadziwa sokwomukadzi anosurumuka? |
| 10 |
| Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi ari pakasurumuka; nokuti zvino uchabuda muguta, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikinurapo pamaoko avavengi vako. |
| 11 |
| Zvino marudzi mazhinji avanhu akakuunganira, anoti, ‘Ngaasvibiswe, meso edu ngaaone Zioni.’ |
| 12 |
| Asi havazivi zvinofungwa naJehovha, havanzwisisi zvaakatema; nokuti wakavaunganidza semwanda paburiro. |
| 13 |
| “Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyanga rwako ndicharuita dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira; uchaputsanya marudzi mazhinji; zvavakazviwanira ndichazvitsaurira Jehovha, pfuma yavo ndichapa Ishe wenyika yose. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/micah/004.mp3
7
4