×

Shona SUB Bible 2002

Mika 4

1
“Asi namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri.
2
Marudzi mazhinji achaenda, achiti, ‘Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndipo pachabuda murairo, napaJerusaremu shoko raJehovha.’
3
Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
4
Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.
5
Nokuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi–peri.
6
“Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaunganidza vanokamhina, ndichaunganidza vakadzingwa, navakatambudzwa neni;
7
vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZioni kubva zvino nokusingaperi.
8
“Zvino iwe, rutura rwamakwai, iwe chikomo chomukunda weZioni, zvichasvika kwauri, zvirokwazvo ushe hwokutanga huchasvika, ihwo ushe hwomukunda weJerusaremu.
9
Zvino munodanidzireiko? Hakuna mambo pakati penyu here, chipangamazano wenyu aparara here, zvamabatwa nokurwadziwa sokwomukadzi anosununguka?
10
Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi ari pakasurumuka; nokuti zvino uchabuda muguta, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikinurapo pamaoko avavengi vako.
11
Zvino marudzi mazhinji avanhu akakuunganira, anoti, ‘Ngaasvibiswe, meso edu ngaaone Zioni.’
12
Asi havazivi zvinofungwa naJehovha, havanzwisisi zvaakatema; nokuti wakavaunganidza semwanda paburiro.
13
“Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyanga rwako ndicharuita dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira; uchaputsanya marudzi mazhinji; zvavakazviwanira ndichazvitsaurira Jehovha, pfuma yavo ndichapa Ishe wenyika yose.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa