Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto, nokuti takombwa nomuvengi. Vacharova mutongi waIsraeri padama netsvimbo. |
| 2 |
| “Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.” |
| 3 |
| Naizvozvo Israeri achasiyiwa kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara uye hama dzake dzose dzadzoka kuzobatana navaIsraeri. |
| 4 |
| Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika. |
| 5 |
| Uye iye achava rugare rwavo. |
| 6 |
| Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu. |
| 7 |
| Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi akawanda, sedova rinobva kuna Jehovha, sokunaya kwemvura pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugaririra vanhu. |
| 8 |
| Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi, pakati poruzhinji rwamarudzi, seshumba pakati pezvikara zvesango, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inotsika nokubvambura ichienda, uye pasina anogona kununura. |
| 9 |
| Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa. |
| 10 |
| “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu uye ndichapwanya ngoro dzenyu. |
| 11 |
| Ndichaparadza maguta enyika yenyu uye ndichaputsa muzinda yenyu yose. |
| 12 |
| Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki. |
| 13 |
| Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu. |
| 14 |
| Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu. |
| 15 |
| Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/micah/005.mp3
7
5