|
| 1 |
|
| Ronganisa hondo dzako iwe guta rehondo dzavarwi nokuti watokombwa iwe. Vacharova mutongi weIsiraeri neshamhu padama. |
|
| 2 |
|
| “Iwe Bheterehemu wokwaEfurata, kunyange uri muduku zvako, mukati memadzinza okwaJudha, mauri iwe muchabuda mutongi wangu, achatonga Isiraeri, dzinde rokwaakabva nderakare kare rapasichigare chaipo.” |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo achambovaregera vakadaro kwechinguva kusvikira ane pamuviri pari kurwadza asununguka. Ipapo dzimwe hama dzake dzose ndopadzichadzokera kuvanhu veIsiraeri. |
|
| 4 |
|
| Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo achifudza danga rake rezvipfuwo aine simba raTenzi, aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake uye vachanyatsogara zvakanaka nokuti ukuru hwake huchasvika kwakaperera nyika. |
|
| 5 |
|
| Iyeyu ndiye achatozovawanisa rugare. Patichapindirwa neAsiria munyika medu ichitsokodzera zvayo munzvimbo dzedu, tichaimutsira vokutifudza vanomwe vokuonana nayo, makurukota chaiwo avanhu, kana kutoita masere chaiwo. |
|
| 6 |
|
| Ivava ndivo vachatozotonga nyika yeAsiria nehondo yamapakatwa, vachatonga nyika iyoyi yeNimurodhi vakaiburitsira bakatwa. Ivava ndivo vachatinunura kuAsiria patinenge tapindirwa munyika medu neAsiria paya ichitsokodzera munyika medu. |
|
| 7 |
|
| Chitsama chevokwaJakobho chinenge chazosara chichazova mukati mendudzi nendudzi dzavanhu, chichiva sedova rinobva kuna Tenzi uye sehore dzemvura pauswa zvisingambomirira zvazvo kana vanhu. |
|
| 8 |
|
| Chitsama chevokwaIsiraeri chinenge chazosara chichava mukati memarudzi nomukati mendudzi nendudzi dzavanhu, seshumba mukati memhuka dzesango seshumba ichiri duku mumatanga ehwai inoti kana ikapinda nomo inotsokodzera ichibvambura-bvambura pasina anogona kununura. |
|
| 9 |
|
| Uchasumudzira shamhu, vanokuvenga, vavengi vako vose vachaurayiwa. |
|
| 10 |
|
| “Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura Tenzi, pakati penyu ndichauraya mabhiza enyu ndichiparadza ngoro dzenyu dzehondo. |
|
| 11 |
|
| Ndichaparadzawo maguta omunyika menyu ndichipaza nzvimbo dzenyu dzose dzokuzvidzivirira ndadzo muhondo. |
|
| 12 |
|
| Ndichaparadzazve uroyi hwamuchashandisa namaoko enyu ndigosiya usisina vanofembera namaminimini. |
|
| 13 |
|
| Uye ndichaparadza mukati menyu zvifananidzo zvenyu zvamabwe zvokunamata, hauchazokotamirazve kunamata zvinhu zvamakagadzira imi namaoko enyu. |
|
| 14 |
|
| Ndichadzipura mukati menyu zvifananidzo zvokunamata zvinomiririra Ashera nokuparadza maguta ako. |
|
| 15 |
|
| Ndichatsiva ndakashatirwa nehasha marudzi ose asingateereri.” |
|
|
|
|