|
| 1 |
|
| Inhamoi yandinayo! Ndafanana nouya anounganidza michero yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa; hapana sumbu ramazambiringa rokudya, kana maonde okutanga andinopanga. |
|
| 2 |
|
| Vanhu vano umwari vabviswa panyika; hapana mumwe akarurama asara. Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa; mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure. |
|
| 3 |
|
| Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete. |
|
| 4 |
|
| Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato, vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa. Zuva renharirire dzenyu rasvika, zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari. Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo. |
|
| 5 |
|
| Rega kuvimba nomuvakidzani wako; usavimba neshamwari yako. Kunyange nomukadzi wawakagumbatira, uchenjerere mashoko ako. |
|
| 6 |
|
| Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake, mwanasikana anomukira mai vake, muroora anomukira vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake. |
|
| 7 |
|
| Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha, ndinomirira Mwari Muponesi wangu; Mwari wangu achandinzwa. |
|
| 8 |
|
| Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu! Kunyange ndakawira pasi, ndichasimuka. Kunyange ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu. |
|
| 9 |
|
| Nokuti ndakamutadzira, ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, kusvikira andireverera mhosva yangu nokusimbisa kodzero yangu. Achandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake. |
|
| 10 |
|
| Ipapo muvengi wangu achazviona uye achafukidzwa, iye akati kwandiri, “Aripiko Jehovha Mwari wako?” Meso angu achaona kuwa kwake; kunyange iye zvino achatsikwa pasi petsoka sematope mumigwagwa. |
|
| 11 |
|
| Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, zuva rokuwedzerwa kwemiganhu yenyu. |
|
| 12 |
|
| Pazuva iro vanhu vachauya kwauri vachibva kuAsiria namaguta eIjipiti, kunyange kubva Ijipiti kusvikira kuYufuratesi, uye kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa, nokubva kugomo kusvika kune rimwe gomo. |
|
| 13 |
|
| Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo, nokuda kwamabasa avo. |
|
| 14 |
|
| Fudza vanhu vako nomudonzvo wako, boka renhaka yako, rinogara roga musango, mumafuro akanaka. Rega afure muBhashani reGireadhi samazuva ekare. |
|
| 15 |
|
| “Sapamazuva amakabuda kubva muIjipiti, ndichavaratidza zvishamiso zvangu.” |
|
| 16 |
|
| Ndudzi dzichazviona uye dzichanyadziswa, dzisisina simba radzo rose. Vachabata miromo yavo uye nzeve dzavo dzichadzivira. |
|
| 17 |
|
| Vachananzva guruva senyoka, sezvipuka zvinokambaira pasi. Vachabuda vachidedera kubva munzvimbo dzavo dzokuvanda; vachadzoka vachitya kuna Jehovha Mwari wedu, uye vachakutyai. |
|
| 18 |
|
| Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni. |
|
| 19 |
|
| Muchava nenyasha kwatiri zvakare; muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa. |
|
| 20 |
|
| Muchava makatendeka kuna Jakobho, mucharatidza nyasha kuna Abhurahama, sezvamakapika mhiko kumadzibaba edu mumazuva akare. |
|
|
|
|