|
| 1 |
|
| “Ndine nhamo ini! Nokuti ndava sapanguva kana michero yakapera kukohwiwa, kana zvakasara zvamazambiringa zvaunganidzwa; hakuchine sumbu rimwe ringadyiwa, mweya wangu unodokwairira muchero womuonde waibva. |
|
| 2 |
|
| Vanhu vanoda Mwari vakaparara panyika, hakuchina vakarurama pakati pavanhu; vose vakavandira kuteura ropa, mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure. |
|
| 3 |
|
| Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti vazviite nomwoyo wose; machinda anokumbira, vatongi vanovinga mubairo; mukuru anotaura zvakashata zviri mumwoyo make; vanozviruka pamwechete saizvozvo. |
|
| 4 |
|
| Akanaka kupfuura vose akaita sorukato, akarurama kupfuura vose anopfuura ruzhowa rweminzwa; zuva renharirire dzenyu rasvika, iro zuva rokurohwa kwenyu, zvino kukanganiswa kwavo kuchavapo. |
|
| 5 |
|
| Regai kuvimba nowamunogara naye, regai kutenda shamwari, rega kutaura zviri mumwoyo wako kumukadzi avete pachipfuva chako. |
|
| 6 |
|
| “Nokuti mwanakomana anozvidza baba, mwanasikana anomukira mai vake, nomukadzi womwana vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu veimba yake. |
|
| 7 |
|
| “Asi kana ndirini ndichatarira kuna Jehovha, ndichamirira Mwari woruponeso rwangu; Mwari wangu uchandinzwa. |
|
| 8 |
|
| “Usafara pamusoro pangu iwe muvengi wangu; kana ndikawira pasi, ndichasimukazve; kana ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu. |
|
| 9 |
|
| Ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, nokuti ndakamutadzira, kusvikira achindireverera mhosva yangu, nokundiruramisira mhaka yangu; uchandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake. |
|
| 10 |
|
| Ipapo muvengi wangu achazviona, kunyara kuchafukidza iye anoti kwandiri, ‘Jehovha Mwari wako aripiko?’ Meso angu achamuona; zvino achatsikirwa pasi samatope ari panzira dzomumusha. |
|
| 11 |
|
| “Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, nezuva iro miganhu ichatarwa nokure. |
|
| 12 |
|
| Nezuva iro vachauya kwamuri, vachibva Asiria nokumaguta eIjipiti, nokunyika inobva Ijipiti ichisvikira kuRwizi, nokubva kune rimwe gungwa, kusvikira kune rimwe gungwa, nokubva kune rimwe gomo kusvikira kune rimwe gomo. |
|
| 13 |
|
| Kunyangwe zvakadaro nyika ichava dongo, nemhaka yavageremo, nemhaka yezvibereko zvamabasa avo. |
|
| 14 |
|
| “Fudzai vanhu venyu netsvimbo yenyu, iwo makwai ari nhaka yenyu, anogara ari oga mudondo pakati peKarimeri; ngaachere paBhashani neGireadhi, sapamazuva akare. |
|
| 15 |
|
| Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa sapamazuva okubuda kwenyu munyika yeIjipiti. |
|
| 16 |
|
| Marudzi avanhu achazviona akanyara pamusoro pesimba ravo rose; vachafumbatira miromo yavo namaoko avo, nzeve dzavo hadzinganzwi. |
|
| 17 |
|
| Vachananzva guruva senyoka; vachabuda panzvimbo dzavo dzokuvanda vachidedera sezvinokambaira zvenyika; vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachitya, vachakutyai. |
|
| 18 |
|
| “Ndianiko Mwari akafanana nemi, anokanganwira zvakaipa, anopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira kuva nenyasha. |
|
| 19 |
|
| Achatinzwira tsitsizve, achatsika zvakaipa zvedu pasi petsoka dzake; muchakandira zvivi zvavo zvose mukudzika kwegungwa. |
|
| 20 |
|
| Muchaitira Jakobho zvokwadi yenyu, naAbhurahamu nyasha dzenyu, idzo dzamakapikira madzibaba edu kubva pamazuva akare.” |
|
|
|
|