|
| 1 |
|
| "Chirevo chaMwari pamusoro peNinivhe. Bhuku yezvakaonekwa naNahumi muErikoshi. |
|
| 2 |
|
| "Jehovha ndiye Mwari ane godo, anotsiva; Jehovha anotsiva, azere nehasha; Jehovha anotsiva vadzivisi vake, anochengetera vavengi vake hasha dzake. |
|
| 3 |
|
| Jehovha haakurumidzi kutsamwa, une simba guru, haangatongopembedzi ane mhosva; nzira yaJehovha iri pakati pechamupupuri nedutu, makore iguruva retsoka dzake. |
|
| 4 |
|
| Anotuka gungwa, achiriomesa, anopwisa nzizi dzose; Bhashani rinoshaiwa simba, uye Karimeri, ruva reRebhanoni rinoshaiwa simba. |
|
| 5 |
|
| Makomo anodedera pamberi pake, zvikomo zvinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, zvirokwazvo, iyo nyika yavose vagerepo. |
|
| 6 |
|
| Ndiani angamira pamberi pehasha dzake? Ndiani angaramba amire pakutsamwa kwake kukuru? Hasha dzake dzakadururwa somoto, matombo akaputsanyiwa naye. |
|
| 7 |
|
| Jehovha akanaka, inhare nezuva rokutambudzika; iye anoziva vanotizira kwaari. |
|
| 8 |
|
| Asi achaparadza kwazvo nzvimbo yeguta nemvura inokukura, achidzingana navavengi vake kusvikira murima. |
|
| 9 |
|
| Munorangarireiko pamusoro paJehovha? Iye achaparadza chose; nhamo haingamukizve rwechipiri. |
|
| 10 |
|
| Nokuti kunyange vakakorekana semhinzwa, kana kuita savakabatwa nezvavakamwa, vachaparadzwa chose samashanga akaoma. |
|
| 11 |
|
| "Mumwe akabuda pakati penyu anorangarira zvakaipa pamusoro paJehovha, anorangana zvisina maturo. |
|
| 12 |
|
| Zvanzi naJehovha, `Kunyange vane simba ravo rose, vakawandawo, kunyange zvakadaro vachatemwa, iye achaparara. Kunyange ndakakutambudzai, handingazokutambudziyizve. ' |
|
| 13 |
|
| Zvino ndichavhuna joko rake, ribve kwamuri, ndichadamburanya zvisungo zvenyu. |
|
| 14 |
|
| "Jehovha akaraira pamusoro penyu, kuti vezita renyu varege kuzodzvarwazve; mumba mavamwari venyu ndichaparadza zvifananidzo zvakavezwa nezvifananidzo zvakaumbwa; ndichakuchererai hwiro; nokuti makashata kwazvo. |
|
| 15 |
|
| "Tarirai pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, anoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imwi Judha, itai zvamakapika, nokuti akaipa haangazopfuurizve napakati penyu; akaparadzwa chose. |
|
|
|
|