|
| 1 |
|
| Chirevo chinonangana neNinivhe. Bhuku rezvakaoneswa Nahumu wokuErikoshi. |
|
| 2 |
|
| Tenzi ndiMwari weshanje anotsividza, Tenzi anotsividza, anoviruka nehasha, Tenzi anotsividza vavengi vake, anodzvokora vavengi vake. |
|
| 3 |
|
| Tenzi haakurumidzi kushatirwa asi simba anaro guru uye Tenzi haaregi kuranga munhu ane mhosva. Muchamupupuri nedutu remhepo ndimo mune nzira yake makore ari huruva yetsoka dzake. |
|
| 4 |
|
| Anotsiura gungwa achiriomesa anopwisa nzizi dzose kuBhashani nokuKarimero kuchisvava pfumvudza yeRebhanoni ichinava. |
|
| 5 |
|
| Pamberi pake makomo anodedera zvikomo zvichinyongodeka, pamberi pake nyika inonyandurwa, pasi pose nezvose zvigere mairi. |
|
| 6 |
|
| Ndiani chaizvo angamirisane nehasha dzake? Chaizvo ndiani angapamire paanenge aviruka nehasha? Hasha dzake dzinoita zvokuviruka somoto matombo achitsemurwa-tsemurwa naye. |
|
| 7 |
|
| Tenzi akanaka, inhare yokuhwanda pazuva rokutambudzika. Iye anozivawo vanotizira kwaari. |
|
| 8 |
|
| Asi nemafashamo achanyatsoritsvaira panzvimbo paro achironda vavengi vake kusvikira murima. |
|
| 9 |
|
| Ibanganoi ramunoitira Tenzi? Achanyatsotsvaira kupedza vavengi vake. Haapamhidzi ruviri kunyatsovatsividza |
|
| 10 |
|
| savanhu vakadhakwa nezvokunwa vacharoromeswa seminzwa yakakochekerana uye sezvidzitsi zvemashanga zvakaoma. |
|
| 11 |
|
| Handiti mamuri makabva mumwe akarongera Tenzi chimwe chinhu chakaipa akapa mazano asina maturo? |
|
| 12 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari, “Kunyange zvavo vaine simba uye vakawanda, vachapfuudzwa vakatsakatika. Kunyange zvangu ndakambokurwadzisa handichakurwadzisazve. |
|
| 13 |
|
| Saka zvino ndava kutyora joko rake riri pauri ndigodambura-dambura tambo dzako.” |
|
| 14 |
|
| Tenzi atema chirevo nezvako chokuti “Zita rako harichafanira kuramba richiyeukwa. Zvifananidzo zvako zvokunamata zvemabwe akavezwa nezvoutare hwakanyungurutswa ndichazviparadza mumba yavamwari vako. Ndichakuitira guva nokuti hauna maturo.” |
|
| 15 |
|
| Inzwai munzwe tsoka dzenhumwa inouya namashoko akanaka ichiparidza nezvorugare! Imi vokwaJudha, chengetai mazuva enyu makuru itai zvamakatsidza nokuti hazvizoitika zvakare nokuti muipi haachauyezve kuzokurwisa, anyatsoparadzwa chaizvo. |
|
|
|
|