Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| "Muputsanyi auya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai zviuno zvenyu, itai nesimba renyu kwazvo. |
| 2 |
| "Nokuti Jehovha anodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakobho sokurumbidzwa kukuru kwaIsiraeri; nokuti vapambi vakavapamba, vakaparadza matavi emizambiringa yavo. |
| 3 |
| Nhovo dzemhare dzake dzakatsvukiswa, varume vakatsunga vakapfeka nguo tsvuku; (matare engoro anopenya nezuva rokuzvigadzira kwake, mapfumo ake emisipiresi anosimudzwa.) |
| 4 |
| Ngoro dzinovirima munzira dzomumusha, dzinobonderana pamapani dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni. |
| 5 |
| Unorangarira vakuru vake, vanogumburwa pakufamba kwavo, vanomhanyira kurusvingo rwaro pakagadzirwa chitaviridzo. |
| 6 |
| Masuo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka. |
| 7 |
| Shoko ratemwa, rokuti, rakafukurwa, rakatapwa, vashandiri varo vanochema namazwi akaita seenjiva, vachizvirova zvipfuva zvavo. |
| 8 |
| Asi kubva kare Ninivhe rakanga rakaita sedziva remvura; kunyange zvakadaro vanotiza. Vanodana vachiti, `Mirai, mirai!' Asi hakuna anocheuka. |
| 9 |
| Pambai sirivha, pambai ndarama; nokuti kuwanda kwazvo hakuperi, iyo fuma yenhumbi dzakaisvonaka. |
| 10 |
| Harina chinhu, rinoshaiwa zvose, rava dongo; mwoyo unonyauka, mabvi anobonderana, kurwadziwa kuripo pazviuno zvose, zviso zvavose zvacheneruka. |
| 11 |
| "Nzvimbo yeshumba iripi? Panodyira shumba duku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomwana weshumba, kusina anodzikarudza? |
| 12 |
| Shumba yaibvamburanya zvakaringana vana vayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo nezvayairuma, nenzimba dzayo nezvayaibata. |
| 13 |
| "Tarirai, ndine mhaka nemwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichapisa ngoro dzaro dziite utsi, munondo uchapedza shumba dzenyu duku; ndichabvisa zvawakapamba panyika, inzwi renhume dzako haringatongonzwikwizve. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/nahum/002.mp3
3
2