Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Muputsanyi waʋuya kuzorwa nemi; rindirai nhare, tarirai nzira, simbisai ɀiʋuno ɀenyu, itai nesimba renyu kwaɀo. |
| 2 |
| Nokuti Jehova unodzosa kurumbidzwa kukuru kwaJakobo sokurumbidzwa kukuru kwaIsraeri; nokuti ʋaɗururi ʋakaʋaɗurura, ʋakaparadza mataʋi emizambiriŋga yaʋo. |
| 3 |
| Nhoʋo dzemhare dzake dzakatȿukiswa, ʋarume ʋakatsuŋga ʋakapfeka ŋguʋo tȿuku; matare eŋgoro anopenya nezuʋa rokuɀigadzira kwake, mapfumo ake emisipresi anosimudzwa. |
| 4 |
| Ŋgoro dzinoʋirima munzira dzomumusha, dzinoɓonderana pamapani, dzakafanana namazhenje, dzinomhanya semheni. |
| 5 |
| Unoraŋgarira ʋakuru ʋake, ʋanogumburwa pakufamba kwaʋo, ʋanomhanyira kuruȿiŋgo rwaro pakagadzirwa citaʋiridzo. |
| 6 |
| Masuʋo enzizi akazarurwa, imba yamambo yakanyauka. |
| 7 |
| Shoko ratemŋa, rokuti, rakafukurwa, rakatapxa, ʋashandiri ʋaro ʋanocema namanzwi akaita seenjiʋa, ʋaciɀiroʋa ɀifuʋa ɀaʋo. |
| 8 |
| Asi kubva kare Nineve rakaŋga rakaita sedziʋa remvura; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanotiza. Ʋanoɗana ʋaciti: Mirai, mirai! asi hakunaunoceuka. |
| 9 |
| Pambai sirveri, pambai ndarama; nokuti kuwanda kwaɀo hakuperi, iyo fuma yenhumbi dzakaiȿo‐naka. |
| 10 |
| Harinecinhu, rinoshaiwa ɀose, raʋa ɗoŋgo; mŋoyo unonyauka, mabvi anoɓonderana, kurwadziwa kuri’po paɀiʋuno ɀose, ɀiso ɀaʋose ɀaceneruka. |
| 11 |
| Nɀimba yeshumba iripi? Panodyira shumba ɗuku ndapapi? Ndapapi panofamba shumba nehadzi yayo nomŋana weshumba, kusina‐unodzikarudza? |
| 12 |
| Shumba yaibvamburanya ɀakariŋgana ʋana ʋayo, yaidzipira hadzi dzayo, yaizadza mapako ayo neɀayairuma, nenɀimba dzayo neɀayaiɓata. |
| 13 |
| Tarirai, ndinemhaka nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicapisa ŋgoro dzaro dziite ʋutsi, munondo ucapedza shumba dzenyu ɗuku; ndicabvisa ɀawakapamba panyika, inzwi renhume dzako hariŋgatoŋgonzwiki ɀe. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/nahum/002.mp3
3
2