|
| 1 |
|
| “Guta reropa rine nhamo! Rizere nenhema nokupamba; zvakapambwa hazviperimo. |
|
| 2 |
|
| Kurira kwetyava, nomubvumo wokutinhira kwamakumbo engoro, nowokutsika kwamabhiza, nengoro dzinonjarika, |
|
| 3 |
|
| nowavatasvi vanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinovaima, navazhinji vakaurayiwa, nomurwi mukuru wezvitunha; zvitunha hazviperi, vanogumburwa nezvitunha zvavo; |
|
| 4 |
|
| nemhaka yokufeva kuzhinji kwechifeve chakanaka pakudikanwa, iye mwene wouroyi, anotengesa marudzi avanhu nokufeva kwake, nemhuri dzavanhu nouroyi hwake. |
|
| 5 |
|
| Tarira, ndine maka newe ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakufukura ndiise nguo dzako kuchiso chako; ndicharatidza marudzi ose kushama kwako, uye ushe hwose kunyara kwako. |
|
| 6 |
|
| “Ndichakandira pamusoro pako tsvina inosemesa, nokukushatisa, nokukuita chinhu chinotarirwa navose. |
|
| 7 |
|
| Ipapo vose vanokuona vachakutiza, vachiti, ‘Ninivha raparadzwa, ndiani acharichema? Ndichakutsvakirepi vanyaradzi?’ ” |
|
| 8 |
|
| Ko iwe unopfuura No–amoni, rakanga rakavakwa pakati penzizi, rakanga rakapoteredzwa nemvura; rusvingo rwaro raiva gungwa, namadziro aro raiva gungwazve? |
|
| 9 |
|
| Itiopia neIjipiti raiva simba raro, rakanga risina mugumo; Ribhia aiva mubatsiri wako. |
|
| 10 |
|
| Kunyangwe zvakadaro vakazoenda naro, rakatapwa; vana varo vaduku vakaputsanyiwa pakuvamba kwenzira dzose dzomumusha; vakakanda mijenya pamusoro pavaikudzwa pakati pavo, vakuru varo vose vakasungwa namangetani. |
|
| 11 |
|
| Newewo uchabatwa newaini, uchandovanda; newewo uchandotsvaka nhare nemhaka yomuvengi wako. |
|
| 12 |
|
| Nhare dzako dzose dzichafanana nemionde ina maonde otanga kuibva; kana ichizunzwa, anowira mumuromo woanodya. |
|
| 13 |
|
| Tarira, vanhu vako pakati pako vakaita savakadzi; masuwo enyika yako azarurirwa vavengi vako kwazvo; moto wapedza zvipfigiso zvako. |
|
| 14 |
|
| Zvicherere mvura yokunwa pakukombwa kwako, simbisa nhare dzako, pinda mudope ukanye ivhu, ubate foroma. |
|
| 15 |
|
| Moto uchakupedzapo, munondo uchakuparadza, uchakupedza segwatakwata; zviitei vazhinji segwatakwata, zviitei vazhinji semhashu. |
|
| 16 |
|
| Makawanza vatengesi venyu vakapfuura nyenyedzi dzokudenga; gwatakwata rinoparadza, ndokubhururuka richienda. |
|
| 17 |
|
| Machinda enyu akaita semhashu, vakuru venyu semhashu zhinji zhinji, dzinovata pazhowa kana kune chando, asi kana zuva rabuda dzinobhururuka dzichienda, hadzichazikanwi kwadziri. |
|
| 18 |
|
| Vafudzi vako vanotsimwaira, iwe mambo weAsiria, vakakudzwa vako vanyarara, vanhu vako vakapararira pamakomo, hakuna angavaunganidza. |
|
| 19 |
|
| Kukuvadzwa kwako hakungarapwi, vanga rako rakaipa kwazvo; vose vanonzwa guhu rako vachakuitira nondo; nokuti ndianiko akanga asingatambudzwi nguva dzose nezvakashata zvako? |
|
|
|
|