|
| 1 |
|
| Shoko raMwari rakaonekwa nomuporofita Habhakuku. |
|
| 2 |
|
| “Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira rinhiko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi. |
|
| 3 |
|
| Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? Nokuti kuparadza nokuitira vamwe simba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka. |
|
| 4 |
|
| Saka murairo haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nokuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama. |
|
| 5 |
|
| “Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo–kwazvo; nokuti ndinobate basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyangwe muchizviudzwa. |
|
| 6 |
|
| Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhia, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo. |
|
| 7 |
|
| Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene. |
|
| 8 |
|
| “Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura mapere amadekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya. |
|
| 9 |
|
| Vanouya vose kuzoita simba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha. |
|
| 10 |
|
| “Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nokuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda. |
|
| 11 |
|
| Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo. |
|
| 12 |
|
| “Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga–tanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imi makatema kuti vatonge, nemi dombo, makavaisapo kuti varange, |
|
| 13 |
|
| Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama; |
|
| 14 |
|
| muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati? |
|
| 15 |
|
| “Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vano mufaro. |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda. |
|
| 17 |
|
| “Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here? |
|
|
|
|