|
| 1 |
|
| "Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharirire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu. |
|
| 2 |
|
| "Jehovha akandipindura, akati, `Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamabwendefa, kuti zvigone kurahwa nowanomhanya. |
|
| 3 |
|
| Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru. |
|
| 4 |
|
| Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake. |
|
| 5 |
|
| Uyezve, zvirokwazvo, waini inonyengera, murume anozvikudza, asingagari kumba kwake, akashamisa kukara kwake seSheori, akafanana norufu; haangaguti, asi anozviunganidzira marudzi ose, unozvikokerera marudzi ose avanhu.' |
|
| 6 |
|
| Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, `Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!' |
|
| 7 |
|
| "Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imwi mukapambwa navo? |
|
| 8 |
|
| imwi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo. |
|
| 9 |
|
| "Ane nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa! |
|
| 10 |
|
| Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu. |
|
| 11 |
|
| Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura. |
|
| 12 |
|
| "Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa! |
|
| 13 |
|
| Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo? |
|
| 14 |
|
| Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa. |
|
| 15 |
|
| "Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvimwe, anovhenganisiramo uturu bwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo! |
|
| 16 |
|
| Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chimwai nemiwo, muve seasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu. |
|
| 17 |
|
| Nokuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo. |
|
| 18 |
|
| "Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura? |
|
| 19 |
|
| Ane nhamo anoti kudanda, `Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinhu izvi zvingadzidzisa here?' Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku. |
|
| 20 |
|
| "Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake." |
|
|
|
|