|
| 1 |
|
| Munyengetero womuporofita Habhakuki, unoimbwa neShigionoti. |
|
| 2 |
|
| “Aiwa, Jehovha, ndakanzwa mashoko enyu, ndikatya; Aiwa, Jehovha, mutsai basa renyu pakati pamakore; Rizivisei pakati pamakore; Pakutsamwa kwenyu rangarirai nyasha. |
|
| 3 |
|
| Mwari anouya achibva Temani, Naiye Mutsvene achibva pagomo reParani. Sera. Umambo hwake hunofukidza denga rose, Nyika izere nokurumbidzwa kwake. |
|
| 4 |
|
| Kupenya kuripo kwakafanana nechiedza; kwezuva kunobuda paruoko rwake, Simba rake rinovandapo. |
|
| 5 |
|
| Hosha yakaipa inomutungamirira, Mazimbe omoto anobuda patsoka dzake. |
|
| 6 |
|
| Anomira achiyera nyika; Anotarira, ndokuparadza marudzi avanhu; Makomo asingaperi anopararira; Zvikomo zvisingaperi zvinokotama; Nzira dzake ndedzekare-kare. |
|
| 7 |
|
| Ndinoona matende eKushani ari panhamo; Micheka yamatende enyika yeMidhiani anodedera. |
|
| 8 |
|
| Ko Jehovha akatsamwira nzizi here? Hasha dzenyu dzakamukira nzizi here? Kutsamwa kwenyu kwakamukira gungwa here, Zvamunotasva mabhiza enyu, Muchifamba nengoro dzenyu dzoruponeso? |
|
| 9 |
|
| Uta hwenyu hwakafukurwa kwazvo; Shamhu dzakapikirwa neshoko renyu. Makaparura nyika nenzizi. |
|
| 10 |
|
| Makomo akakuonai akatya, Kudira kwemvura kwakapfuura; Pakadzika pakabudisa izwi rapo, Pakasimudzira maoko apo kumusoro. |
|
| 11 |
|
| Zuva nomwedzi zvakamira paugaro hwazvo, Zvichiona chiedza chemiseve yenyu ichipfuura, Zvichiona kupenya kwepfumo renyu rinobwinya. |
|
| 12 |
|
| Makatsika nyika makatsamwa, Makapura ndudzi mune hasha. |
|
| 13 |
|
| Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuvadza musoro weimba yowakaipa, Muchifukura nheyo kusvikira kumutsipa wayo. |
|
| 14 |
|
| Makabvoora misoro yavarwi vake namapfumo ake; Vakauya sechamupupuri kundiparadza; Kufara kwavo kwakaita sokwavanopedza varombo pakavanda. |
|
| 15 |
|
| Makatsika gungwa namabhiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji.” |
|
| 16 |
|
| “Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, Miromo yangu yakadedera ndichinzwa izwi; Kuora kwakapinda mumapfupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, Kana iye, anozorwa navanhu, achivawira. |
|
| 17 |
|
| Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, Nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu, Nemombe dzikashaikwa mumatanga, |
|
| 18 |
|
| Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu. |
|
| 19 |
|
| Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu.” |
|
|
|
|