|
| 1 |
|
| Unganai, zvirokwazvo unganai, imwi rudzi rusinganyari; |
|
| 2 |
|
| chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. |
|
| 3 |
|
| Tsvakai Jehovha, imwi mose vanyoro venyika, imwi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavanzika nezuva rokutsamwa kwaJehovha. |
|
| 4 |
|
| "Nokuti Gaza richasiyiwa, Ashikeroni richaitwa dongo; vachadzinga Ashidhodhi masikati makuru, Ekironi richadzurwa. |
|
| 5 |
|
| Vane nhamo vagere panyika iri pagungwa, irwo rudzi rwavaKeteti! Shoko raJehovha rinokutuka, iwe Kenani, nyika yavaFirisitia; ndichakuparadza, kuti parege kuzova anogarapo. |
|
| 6 |
|
| Mhenderekedzo dzegungwa dzichava mafuro anamapako avafudzi nezvirugu zvamakwai. |
|
| 7 |
|
| Mhenderekedzo dzichava dzavakasara veimba yaJudha; vachafudzapo makwai avo; vachavata pasi madekwana mudzimba dzeAshikeroni; nokuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira nokudzosa kutapwa kwavo. |
|
| 8 |
|
| "Ndakanzwa kuzvidzwa kwaMoabhi, nokutuka kwavana vaAmoni, kwavakazvidza nako vanhu vangu, vachiita manyawi pamuganhu wavo. |
|
| 9 |
|
| Naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Mwari walsiraeri, `Zvirokwazvo, Moabhi vachaita seSodhoma, navana vaAmoni seGomora, nyika yorukato, namakomba omunyu, namatongo nokusingaperi;' vanhu vangu vakasara vachavaita chinhu chakatapwa, vakasara vorudzi rwangu vachavagara nhaka. |
|
| 10 |
|
| "Ndizvo zvavachapiwa nokuda kokuzvikudza kwavo, nokuti vakazvidza vanhu vaJehovha wehondo nokuzvikudza kwavari. |
|
| 11 |
|
| Jehovha achavatyisa kwazvo, nokuti achaparadza vamwari vose venyika; vanhu vachamunamata iye, mumwe nomumwe achibva panzvimbo yake, naizvo zviwi zvose zvendudzi. |
|
| 12 |
|
| "Nemiwo veItiopia, muchaurawa nomunondo wangu. |
|
| 13 |
|
| Achatambanudzira ruoko rwake kurutivi rwokumusoro, ndokuparadza Asiria; Ninivhe achariita dongo, riome serenje. |
|
| 14 |
|
| Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; izwi rokurira kwazvo richanzwika pamahwindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo, nokuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari. |
|
| 15 |
|
| Iri ndiro guta raigara nomufaro risina hanya, raiti mumwoyo maro, `Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu!' Haiwa, raitwa dongo sei, nzvimbo inovata mhuka! Mumwe nomumwe anopfuura napo acharidza muridzo, achizunungusa ruoko rwake. |
|
|
|
|