|
| 1 |
|
| “Rine nhamo iro guta rinomukira Jehovha, rakasvibiswa, rinomanikidza! |
|
| 2 |
|
| Harina kuteerera izwi, harina kutenda kurangwa, harina kuvimba naJehovha, harina kuswedera kuna Mwari waro. |
|
| 3 |
|
| Machinda aro mukati maro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, asingasiyi chinhu kusvikira mangwanani. |
|
| 4 |
|
| Vaporofita varo vanhu vakareruka vanonyengera; vapristi varo vakamhura nzvimbo tsvene, vakaitira murairo simba. |
|
| 5 |
|
| Jehovha uri mukati maro akarurama, haangaiti zvakaipa; zuva rimwe nerimwe mangwanani anobudisa pachena kururamisa kwake, asingadariki; asi asina kururama haazivi kunyara. |
|
| 6 |
|
| “Ndakaparadza ndudzi, shongwe dzavo ava matongo; nzira dzavo dzomumisha ndakadziparadza, hakuchina anopfuura napo; maguta avo akaparadzwa, hakuna vanhumo, hakuna agerepo. |
|
| 7 |
|
| Ndakati, ‘Unditye chete; tenda kurangwa;’ ipapo paanogara hapazaiparadzwa, sezvandakaraira zvose pamusoro pake; asi vakafumira mangwanani, vakasvibisa zvose zvavakaita. |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo, ndimirirei ndizvo zvinotaura Jehovha kusvikira zuva randichasimuka kuzopamba; nokuti ndatonga kuti ndichaunganidza ndudzi dzavanhu, kuti ndikokere ushe hwose, ndidire pamusoro pavo hasha dzangu, iko kutsamwa kwangu kukuru; nokuti nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rangu. |
|
| 9 |
|
| “Nokuti nenguva iyo ndichavigira vanhu rurimi rwakachena, kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe. |
|
| 10 |
|
| Vanamati vangu, iye mukunda wavanhu vangu vakaparadzirwa, vachandivigira chipiriso changu vachibva mhiri kwenzizi dzeItiopia. |
|
| 11 |
|
| Nezuva iro haunganyadziswi pamusoro pamabasa ako ose, awakandidarikira nawo; nokuti nenguva iyo ndichabvisa pakati pako vanhu vako vanofarisisa vachizvikudza; haungazovi namanyawi pagomo rangu tsvene. |
|
| 12 |
|
| Asi ndicharega mukati mako vanhu vanotambudzika navarombo; ivo vachavimba nezita raJehovha. |
|
| 13 |
|
| Vakasara VaIsiraeri havangaiti zvakaipa, kana kureva nhema; rurimi runonyengera harungawanikwi mumiromo yavo; nokuti vachafura nokuvata pasi, hakuna angavatyisa. |
|
| 14 |
|
| Imba, iwe mukunda weZioni, pururudza, iwe Isiraeri; fara ufarisise nomwoyo wako wose, iwe mukunda weJerusaremu. |
|
| 15 |
|
| Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakati pako, haungazoonizve zvakaipa. |
|
| 16 |
|
| Nezuva iro vachati kuJerusaremu, ‘Usatya hako iwe; iwe Zioni, maoko ako ngaarege kushaiwa simba. |
|
| 17 |
|
| Jehovha Mwari wako ari mukati mako, iye ane simba, achaponesa; achakufarira nomufaro; uchanyarara parudo rwake; achakufarira nokupururudza.’ |
|
| 18 |
|
| Ndichaunganidza vanochemera ungano yakatarwa, ivo vaibva kwamuri, vairemerwa nokuzvidzwa kwavo. |
|
| 19 |
|
| Tarirai, nenguva iyo ndichatonga vose vanokumanikidza, ndichaponesa vanokamhina, nokuunganidza vakadzingwa; ndichavaitira mbiri nezita rakanaka, ivo vainyadziswa panyika yose. |
|
| 20 |
|
| Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha.” |
|
|
|
|