Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Negore rechipiri ramambo Dhariusi, nomwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, richiti, |
| 2 |
| "Jehovha wehondo unotaura, achiti, `Vanhu ava vanoti nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.' " |
| 3 |
| Ipapo shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti, |
| 4 |
| "Ko zvino inguva yamungagara imwi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here?" |
| 5 |
| Zvino zvanzi naJehovha wehondo, "Cherekedzai zvamakaita. |
| 6 |
| Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; munomwa, asi hamugungwi; munofuka, asi hakuna unodziyirwa; unobatira mubayiro unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvooka." |
| 7 |
| Zvanzi naJehovha wehondo, "Cherekedzai zvamakaita. |
| 8 |
| Kwirai mugomo, muuye namatanda, muvake imba iyi; ini ndichaifarira, uye ini ndichakudzwa ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 9 |
| "Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake. |
| 10 |
| Saka denga rakaramba nedova nemhaka yenyu, nenyika inoramba nezvibereko zvayo. |
| 11 |
| Ndakadana kuwoma kuuye panyika, napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napane zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, napamabasa ose amaoko avanhu." |
| 12 |
| Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha. |
| 13 |
| Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, wakataura navanhu sezvaakarairwa neshoko rakatumwa naJehovha, akati, "ndinemwi ndizvo zvinotaura Jehovha." |
| 14 |
| Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo, |
| 15 |
| nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu, negore rechipiri ramambo Dhariusi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/haggai/001.mp3
2
1