Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Nomwedzi wechinomwe, nezuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti, |
| 2 |
| "Zvino chitaura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakasara, uti, |
| 3 |
| ‘Ndiani wakasara pakati penyu, wakadeya kuona imba ino pakubwinya kwayo kokutanga?' Zvino munoiona yakadiniko? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here? |
| 4 |
| Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, iva nesimba; nemwi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemwi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
| 5 |
| Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Ijipiti, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya. |
| 6 |
| "Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, `Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma; |
| 7 |
| ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikamwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya,' ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
| 8 |
| Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
| 9 |
| "Kubwinya kokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kokutanga ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo." |
| 10 |
| Nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti, |
| 11 |
| Zvanzi naJehovha wehondo, `Chibvunza vaprista pamusoro pomuriro,' uti, |
| 12 |
| ‘Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here?' " Vaprista vakapindura, vakati, "Kwete." |
| 13 |
| Ipapo Hagai akati, "Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here?" Vaprista vakapindura, vakati, "Chasvibiswa. " |
| 14 |
| Ipapo Hagai akapindura, akati, "Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndizvo zvakaita zvose zvavanoita namaoko avo, uye zvavanobayirapo zvakasvibiswa. |
| 15 |
| Zvino fungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro pebwe muTemberi yaJehovha. |
| 16 |
| Nenguva iyo yose kana munhu achinge asvika pamurwi wezviyo zvezviyero zvina makumi maviri, zvaingovapo zvine gumi; kana munhu akasvika pachisviniro chewaini achiti ndinochera hari dzina makumi mashanu, dzaingovapo dzina makumi maviri. |
| 17 |
| Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha nechimvuramabwe pamabasa ose amaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 18 |
| Chifungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, kubva pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, kubva pazuva rakateyiwa nheyo dzeTemberi yaJehovha, fungai izvozvo. |
| 19 |
| Ko mbeu ichimo mudura here? Zvirokwazvo, muzambiringa nomuonde nomutamba nomuorivhi hazvina kubereka; kubva pazuva rino ndichakuropafadzai." |
| 20 |
| Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai nezuva ramakumi maviri namana romwedzi, richiti, |
| 21 |
| "Taura naZerubhabheri, mubati waJudha, uti, `Ndichazunungusa denga rose nenyika; |
| 22 |
| ndichawisira pasi zvigaro zvoushe; ndichaparadza simba roushe bwendudzi; ndichawisira pasi ngoro navanofamba nadzo; mabhiza navanotasva achawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.' |
| 23 |
| Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo." |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/haggai/002.mp3
2
2