|
| 1 |
|
| Nomwedzi worusere, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya, mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti, |
|
| 2 |
|
| "Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru. |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo chiti kwavari "Zvanzi naJehovha wehondo, `Dzokerai kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo neni ndichadzokera kwamuri,' ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 4 |
|
| "Regai kuva samadzibaba enyu, nokuti vaporofita vokutanga vakadanidzira kwaari, vachiti, zvanzi naJehovha wehondo, `Dzokai, zvino panzira dzenyu dzakaipa napazvakaipa zvenyu zvamunoita; asi havana kunzwa kana kunditeerera,' ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| 5 |
|
| Madzibaba enyu aripiko? Naivo vaporofita vangararama nokusingaperi here? |
|
| 6 |
|
| Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakaraira varanda vangu, ivo vaporofita, hazvina kubata madzibaba enyu here? Ivo vakadzoka, vakati, `Jehovha wehondo sezvaakafunga kutiitira, zvakafanira mabasa edu nezvakafanira zvatakaita, ndizvo zvaakatiitira.' " |
|
| 7 |
|
| Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti, |
|
| 8 |
|
| "Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena." |
|
| 9 |
|
| Ipapo ndikati, "Nhai, ishe wangu, zvinyiko izvi?" Mutumwa akanga achitaurirana neni akati kwandiri, "Ndichakuratidza kuti izvi zvinyi." |
|
| 10 |
|
| Murume akanga amire pakati pemiti yemimirite akapindura, akati, "Ava ndivo vakatumwa naJehovha kupota-pota nenyika yose." |
|
| 11 |
|
| Ivo vakapindura mutumwa waJehovha akanga amire pakati pemiti yemimirite, vakati, "Takapota-pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere ichizorora." |
|
| 12 |
|
| Ipapo mutumwa waJehovha wakapindura, akati, "Aiwa, Jehovha wehondo, mucharamba musinganzwiri nyasha Jerusaremu namaguta aJudha amakatsamwira makore ano ana makumi manomwe kusvikira riniko?" |
|
| 13 |
|
| Ipapo Jehovha akapindura mutumwa akanga achitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza. |
|
| 14 |
|
| Ipapo mutumwa, akanga achitaurirana neni, akati kwandiri, "Danidzira, uti, `Zvanzi naJehovha wehondo, ndine godo pamusoro peJerusaremu, godo guru. |
|
| 15 |
|
| Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo.' |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Ndakadzokera Jerusaremu ndine nyasha zhinji; imba yangu ichavakwamo' " ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo uye rwonzi rwokuyera ruchatambanudzirwa pamusoro peJerusaremu. |
|
| 17 |
|
| Danidzirazve, uti, "Zvanzi naJehovha wehondo, `Maguta angu achapa fuma mufarozve, Jehovha achanyaradzazve Ziyoni, achazvisanangurirazve Jerusaremu.' " |
|
| 18 |
|
| Zvino ndakarinzira meso angu ndikatarira, ndikaona nyanga ina. |
|
| 19 |
|
| Ipapo ndikati kumutumwa, wakanga achitaurirana neni, "Zvinyiko izvi?" Akandipindura, akati, "Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha naIsiraeri neJerusaremu." |
|
| 20 |
|
| Jehovha akandiratidza vapfuri vana. |
|
| 21 |
|
| Ipapo ndikati, "Ava vauya kuzobateiko?" Iye akataura, akati, "Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira." |
|
|
|
|