|
| 1 |
|
| Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yokupedzisira, achavapa mvura inonaya kwazvo, mumwe nomumwe ave nezvinomera mumunda. |
|
| 2 |
|
| Nokuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vavuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi. |
|
| 3 |
|
| Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa. |
|
| 4 |
|
| Kwaari kuchabva ibwe rekona, kwaari mbambo, kwaari uta bwehondo, kwaari vabati vose pamwechete. |
|
| 5 |
|
| Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa. |
|
| 6 |
|
| "Ndichasimbisa imba yaJudha, ndichaponesa imba yaJosefa, nokuvadzoserazve, nokuti ndichavanzwira nyasha; vachava savanhu vasina kurashwa neni; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo, ndichavanzwa. |
|
| 7 |
|
| VaEfuremu vachava semhare, mwoyo yavo ichafara savanhu vakabatwa newaini; zvirokwazvo vana vavo vachazviona, vakafara; mwoyo yavo ichafara munaJehovha. |
|
| 8 |
|
| "Ndichavaridzira muridzo, ndivaunganidze; nokuti ndakavadzikunura; vachawanda sezvavaiwanda kare. |
|
| 9 |
|
| Ndichavakusha pakati pendudzi dzavanhu; vachandirangarira kunyika dziri kure; vachararama pamwechete navana vavo, vakadzoka. |
|
| 10 |
|
| Ndichavadzosazve panyika ndichavaunganidza ndichavabvisa paAsiria; ndichavasvitsa kunyika yeGiriyadhi neRebhanoni; vachashaiwa pokugara. |
|
| 11 |
|
| Vachafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa. |
|
| 12 |
|
| Ndichavasimbisa muna Jehovha, vachafamba muzita rangu," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
|
|
|