Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako. |
| 2 |
| Ungudza iwe musipiresi, nokuti musidhari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imwi miouki yeBhashani, nokuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa. |
| 3 |
| Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi! Nokuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! Nokuti kuzvikudza kwaJorodhani kwaitwa dongo. |
| 4 |
| Zvanzi naJehovha Mwari wangu, "Fudza makwai anozourawa; |
| 5 |
| iwo anourawa navana vawo, vasine mhosva; vanowatengesa vanoti, `Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakafuma;' vafudzi vawo havane tsitsi nawo." |
| 6 |
| "Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo." |
| 7 |
| Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, "Kunaka," imwe ndikaitumidza zita rinonzi "Zvisungo;" ndikafudza makwai. |
| 8 |
| Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nokuti mweya wangu wakanga waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo. |
| 9 |
| Ipapo ndikati, "Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadzwa, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe." |
| 10 |
| Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, "Kunaka," ndikaivhuna-vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi bose dzavanhu. |
| 11 |
| ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditeerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha. |
| 12 |
| Ndikati kwavari, "Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubayiro wangu; kana zvisakanaka, regai." Ipapo vakandiyerera mubayiro wangu, masirivha ana makumi matatu. |
| 13 |
| Jehovha akati kwandiri, "Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo." Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha. |
| 14 |
| Ipapo ndikavhuna-vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, "Zvisungo," kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha nalsiraeri. |
| 15 |
| Ipapo Jehovha akati kwandiri, "Chitorazve nhumbi dzomufudzi bedzi. |
| 16 |
| Nokuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo. |
| 17 |
| Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose." |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/zechariah/011.mp3
14
11