|
| 1 |
|
| Ndakatarisazve ndikaona, hapo pamberi pangu paiva norugwaro rwakapetwa rwaibhururuka! |
|
| 2 |
|
| Akandibvunza akati, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwuri kubhururuka, rwakareba makubhiti makumi maviria nokufara makubhiti gumib.” |
|
| 3 |
|
| Uye iye akati kwandiri, “Uku ndiko kutuka kunobuda pamusoro penyika yose; nokuti sezvazvakanyorwa kune rimwe divi, mbavha imwe neimwe ichaparadzwa, uye sezvazvakanyorwa kune rimwe divi racho, mumwe nomumwe anopika zvenhema achaparadzwa. |
|
| 4 |
|
| Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichabudisa kutuka, uye kuchapinda muimba yembavha nomumba mouyo anopika nhema nezita rangu. Kucharamba kuri mumba make uye kuchaparadza zvose mapango namabwe ayo.’ ” |
|
| 5 |
|
| Ipapo mutumwa akanga achitaura neni akaswedera kwandiri akati, “Simudza meso ako uone kuti ichi chii chiri kubuda apo.” |
|
| 6 |
|
| Ndakabvunza ndikati, “Chiiko?” Akapindura akati, “Iri idengu rokuyeresa.” Uye akatizve, “Ichi ndicho chitadzo chavanhu vari munyika yose.” |
|
| 7 |
|
| Ipapo hwidibiro yomutobvu yakasimudzwa, uye mukadzi akanga akagara mudengu imomo! |
|
| 8 |
|
| Mutumwa akati, “Uyu ndiye zvakaipa,” achibva amusundidzira zvakare mudengu uye ndokuzarira muromo wedengu nehwidibiro yomutobvu. |
|
| 9 |
|
| Ipapo ndakasimudza meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva navakadzi vaviri, mhepo iri mumapapiro avo! Vaiva namapapiro anenge mapapiro edambiramurove, uye vakasimudza dengu vakaenda naro mudenga pakati pedenga nenyika. |
|
| 10 |
|
| Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Vari kuriendesepiko dengu?” |
|
| 11 |
|
| Akapindura akati, “Kunyika yeBhabhironi kundorivakira imba. Kana yapera, dengu richaiswa imomo panzvimbo yaro.” |
|
|
|
|