|
| 1 |
|
| Zvino ndakaratidza meso anguzve, ndikatarira, ndikaona ngoro ina dzichibuda pakati pamakomo maviri; makomo iwayo akanga ari makomo endarira. |
|
| 2 |
|
| Ngoro yokutanga yakanga ina mabhiza matsvuku; ngoro yechipiri mabhiza matema; |
|
| 3 |
|
| ngoro yechitatu mabhiza machena, ngoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba. |
|
| 4 |
|
| Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, “Zviiko izvi, ishe wangu?” |
|
| 5 |
|
| Mutumwa akapindura, akati kwandiri, “Izvezvi ndidzo mhepo ina dzokudenga, dzinobuda padzakanga dzimire pamberi paShe wenyika yose.” |
|
| 6 |
|
| Ngoro ina mabhiza matema inobudira kunyika yokumusoro; machena akaatevera; namapfumbu akabudira kunyika yezasi. |
|
| 7 |
|
| Ane simba akabudawo, akatsvaka kuenda kuti apote–pote nenyika yose; ikati, “Ibvai pano, mupote–pote nenyika yose.” |
|
| 8 |
|
| Ipapo akadanidzira kwandiri, akataura neni, achiti, “Tarira, vanoenda kunyika yokumusoro, vakanyaradza mweya wangu kunyika yokumusoro.” |
|
| 9 |
|
| Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
|
| 10 |
|
| “Tora vamwe kuna vakatapwa, vanoti Heridhai, naTobhiya, naJedhaia; uuye nezuva irero upinde mumba maJosiya mwanakomana waZefania, kwavakasvika vachibva Babhironi; |
|
| 11 |
|
| utore kwavari sirivha nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, Mupristi Mukukru; |
|
| 12 |
|
| utaure naye, uchiti, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJehovha; |
|
| 13 |
|
| ndiye achavaka temberi yaJehovha; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava mupristi pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri. |
|
| 14 |
|
| Korona dzichava dzaHeremi, naTobhiya, naJedhaia, naHeni mwanakomana waZefania, chive chiyeudzo mutemberi yaJehovha.’ |
|
| 15 |
|
| “Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu.” |
|
|
|
|