|
| 1 |
|
| Mugore rechina rokutonga kwamambo Dhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya pamusi wechina wemwedzi wechipfumbamwe uri mwedzi waKisirevhu. |
|
| 2 |
|
| Zvino vanhu vokuBhetieri vakanga vatumira Sharezeru naRegemereki navarume vokwavo kundoteterera kuti vaitirwe tsiye nyoro naTENZI, |
|
| 3 |
|
| nokundobvunzawo vapristi vepamba yaTENZI wehondo nehondo navaporofita kuti, “Ndinofanira here kuchema nhamo kana kutsanya mumwedzi wechishanu sezvandanga ndichingoita kwamakore namakore?” |
|
| 4 |
|
| Shoko raTENZI wehondo nehondo rakazouya kwandiri richiti, |
|
| 5 |
|
| “Taura kuvanhu vose zvavo venyika iyi uye nokuvapristi uti: ‘Heya pamaitsanya muchichema nhamo mumwedzi wechishanu newechinomwe kwamakore makumi manomwe maitsanyira ini here? |
|
| 6 |
|
| Kunyange napaya pamunodya napamunonwawo, handiti munenge muchitozvidyira nokuzvinwirawo zvenyu iyemi pachenyu?’ ” |
|
| 7 |
|
| Jerusaremu payakange igere vanhu, zvinhu zvichibudirira zvakanaka pamwechete nemisha yayo yakaikomberedza uyewo iwo maodzanyemba nenyika yokumanhika pakwakanga kugere vanhu iwaya haasiri iwo mashoko aiparidzwa navaporofita vokutanga here? |
|
| 8 |
|
| Shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya richiti, |
|
| 9 |
|
| “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo tongai zviri pachokwadi chaipo muchiitirana mwoyo wakanaka muchinzwirana tsitsi hama nehama. |
|
| 10 |
|
| Regai kuonesa nhamo chirikadzi nenherera nomuuyi kunyange murombo. Uye ngaparege kuva nomunhu anorongera mumwe wake mano akaipa mumwoyo. |
|
| 11 |
|
| “Asi ivo vakaramba kunzwa, vakagwikura mapfudzi vachityorera zvimiti munzeve dzavo kuti varege kunzwa. |
|
| 12 |
|
| Vakaomesa mwoyo chaizvo vachiti vangadaro vakazonzwa mutemo namashoko akatumidzirwa naTENZI wehondo nehondo naMweya wake nomuromo wavaporofita vokutanga. Ndokusaka TENZI wehondo nehondo akashatirwa zvinotyisa kwazvo. |
|
| 13 |
|
| Sokudaidza kwandakaita ivo vakaramba kunzwa, ndokudaidzawo kwavakazoita ini ndigokaregawo kuvateerera, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. |
|
| 14 |
|
| Uye ndakavati mwarara nechamupupuri chaicho mukati memarudzi ose avakanga vasingazivi, nezvo nyika yavakasiya yakava renje zvaro zvokushaya kana nomunhu aifamba — fambamo; saizvozvo, nyika yakanaka yaitwa renje zvino.” |
|
|
|
|