|
| 1 |
|
| “Zvino imi vapristi, chinzwai uyu murayiro unouya kwamuri. |
|
| 2 |
|
| Kana imi musingadi kunzwa, kana musingadi kuita nomwoyo wenyu zvandakaraira kuti mukudze zita rangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ipapo ndichatuma kutuka pamusoro penyu, ndichatuka ropafadzo dzenyu; zvirokwazvo ndatozvituka, nokuti hamuzviiti nomwoyo wenyu. |
|
| 3 |
|
| Tarirai, ndichatuka vana venyu, ndichamhamira ndove kuzviso zvenyu, iyo ndove yemitambo yenyu; muchabviswa pamwechete naro. |
|
| 4 |
|
| Ipapo muchaziva kuti ndini ndakakutumirai murayiro uyu, kuti sungano yangu ive naRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 5 |
|
| “Sungano yangu navo yakanga iri youpenyu norugare; ndakavapa izvo kuti vanditye, vakanditya, vakadedera nokuda kwezita rangu. |
|
| 6 |
|
| Murayiro wezvokwadi wakanga uri mumuromo wavo, kusarurama hakuna kuwanikwa pamiromo yavo; vakafambidzana neni norugare nokururama, vakadzora vazhinji pazvakaipa. |
|
| 7 |
|
| Nokuti miromo yomupristi inofanira kuchengeta zivo, vanhu vanofanira kubvunza murayiro pamusoro wake; nokuti ndiye nhume yaJehovha wehondo. |
|
| 8 |
|
| Asi imi makatsauka panzira; makagumbusa vazhinji pamurayiro; makasvibisa sungano yaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 9 |
|
| Saka ndakakuitai vanhu vanozvidzwa navanorambwa navanhu vaose, zvamusina kuchengeta nzira dzangu, mukatsaura vanhu pakutonga murayiro. |
|
| 10 |
|
| “Ko isu tose hatina baba vamwe here? Haazi Mwari mumwe wakatisika here? Tinogonyengerana neiko mumwe nomumwe hama yake, tichimhura sungano yamadzibaba edu? |
|
| 11 |
|
| Judha vakanyengera, chinhu chinonyangadza chaitwa pakati paIsiraeri napaJerusaremu; nokuti Judha vakamhura nzvimbo tsvene yaJehovha, inodikanwa naye, vakawana mukunda wamwari wavatorwa. |
|
| 12 |
|
| Munhu anoita zvakadai, Jehovha achamubvisira pamatende aJakobho, anodana neanopindura, neanovigira Jehovha wehondo zvipiriso. |
|
| 13 |
|
| Munoitawo izvozvi: Munofukidza atari yaJehovha nemisodzi, nokuchema, nokugomera, naizvozvo haacharangariri chipiriso, kana kuchigamuchira nomufaro pamaoko enyu. |
|
| 14 |
|
| Kunyange zvakadaro munoti, ‘Nemhaka yeiko?’ Nokuti Jehovha akanga ari chapupu pakati pako nomukadzi woujaya hwako, wawakanyengera, kunyange ari shamwari yako, nomukadzi wako wawakaita sungano yako naye. |
|
| 15 |
|
| Ko haana kuita mumwe chete, kunyange akanga ane mumwe Mweya wakasara here? Zvino wakaitireiko mumwe chete? Wakatsvaka rudzi rwaMwari. Saka chenjererai mweya yenyu, kurege kuva nomumwe anonyengera mukadzi woujaya hwake. |
|
| 16 |
|
| Nokuti ndinovenga kurambana ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsiraeri uye munhu anofukidza nguo yake nokumanikidza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; saka chenjererai mweya yenyu, kuti murege kunyengera. |
|
| 17 |
|
| “Makanetsa Jehovha namashoko enyu. Kunyange zvakadaro munoti, ‘Takamunetsa neiko?’ Pakutaura kwenyu, muchiti, ‘Mumwe nomumwe anoita zvakaipa, vakanaka pamberi paJehovha, ndivo vaanofarira;’ kana: ‘Mwari wezvakarurama aripiko?’ |
|
|
|
|