|
| 1 |
|
| “Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye achandigadzirira nzira yangu pamberi pangu; ipapo Ishe, wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake, iye Mutumwa wesungano, wamunoshuva, tarirai, anouya ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 2 |
|
| Asi ndiani ungatsunga nezuva rokuuya kwake? Ndiani angamira kana achionekwa? Nokuti akafanana nomoto womunatsi, nesipo yomusuki. |
|
| 3 |
|
| Iye achagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirivha; achachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirivha; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama. |
|
| 4 |
|
| Ipapo chipiriso chaJudha neJerusaremu zvichafadza Jehovha, sapamazuva akare, sapamakore apakutanga–tanga. |
|
| 5 |
|
| “Ndichaswedera kwamuri kuti nditonge; ndichava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi, napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanomanikidza mushandiri pamubairo wake, nechirikadzi, nenherera, napamusoro pavanodzinga vatorwa, vasingandityi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 6 |
|
| “Nokuti ini Jehovha handishanduki, saka imi, vanakomana vaJakobho, mugere kuparadzwa. |
|
| 7 |
|
| “Kubva pamazuva amadzibaba enyu makatsauka pane zvandakaraira, mukasazvichengeta. Dzokerai kwandiri, neni ndichadzokera kwamuri ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Asi imi munoti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipi?’ |
|
| 8 |
|
| Ko munhu angabira Mwari here? Kunyangwe zvakadaro munondibira. Asi imi munoti, ‘Takakubirai pazvinhu zvipi?’ Pane zvegumi nezvipiriso zvinotsaurwa. |
|
| 9 |
|
| Makatukwa nokutuka; nokuti munondibira, urwo rudzi urwu rwose. |
|
| 10 |
|
| Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzarurirei mahwindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa. |
|
| 11 |
|
| Ndichatukawo udyi nokuda kwenyu, arege kuparadza zvibereko zveminda yenyu; nemizambiringa yenyu haingazuki zvibereko zvayo mumunda, nguva isati yasvika ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 12 |
|
| Ndudzi dzose dzichati muri vanhu vakafara; nokuti muchava nyika inofadza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. |
|
| 13 |
|
| “Mashoko enyu akanga ari makukutu kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha. Kunyangwe zvakadaro, munoti, ‘Takataureiko pamusoro penyu?’ |
|
| 14 |
|
| Imi makati, ‘Hazvina maturo kushumira Mwari;’ takawaneiko zvatakachengeta zvaakaraira, zvatakafamba takapfeka nguo dzokuchema pamberi paJehovha wehondo? |
|
| 15 |
|
| Zvino tinoti vanozvikudza ndivo vakafara; zvirokwazvo, vanoita zvakaipa ndivo vanovakiswa; zvirokwazvo, vanoidza Mwari vachipukunyuka. |
|
| 16 |
|
| “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake. |
|
| 17 |
|
| Vachava vangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatira. |
|
| 18 |
|
| Ipapo muchaonazve kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwoanoshumira Mwari noasingamushumiri. |
|
|
|
|