×

Shona SUB Bible 2002

Maraki 4

1
“Nokuti tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva rinouya, richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
2
Asi imi, munotya zita rangu, muchabudirwa nezuva rokururama, rinokuporesa pasi pamapapiro aro; muchabuda muchitamba semhuru dzomuchirugu.
3
Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu, nezuva randichaita izvozvi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
4
“Rangarirai murairo waMosesi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhi, waVaIsiraeri, vose, izvo zvandakatema nezvandakaraira.
5
“Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eriya, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika.
6
Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa