|
| 1 |
|
| Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai mutendhe rokusanganira pazuva rokutanga romwedzi wechipiri, pagore rechipiri rokubuda kwavo muIjipiti akati, |
|
| 2 |
|
| “Verengai vaIsiraeri vose imba nemba, dzinza nedzinza. Nyorai mazita avanhurume vose |
|
| 3 |
|
| vane makore makumi maviri nevane anopfuura iwayo vangakwanise kuenda kuhondo muIsiraeri yose. Iwe naAroni munofanira kuvaverenga muzvikwata nezvikwata. |
|
| 4 |
|
| Padzinza rimwe nerimwe torai murume mumwechete wokukubatsirai anenge ari mukuru weimba yamadzibaba ake.” |
|
| 5 |
|
| Mazita avarume vokukubatsirai ndiwo aya: mudzinza raRubheni, torai Erizuru mwanakomana waShedheuru; |
|
| 6 |
|
| mudzinza raSimeoni, torai Sherumieri mwanakomana waZurishadhai; |
|
| 7 |
|
| mudzinza raJudha, torai Nashoni mwanakomana waAminadhabhu; |
|
| 8 |
|
| mudzinza raIsakari, torai Netaneri mwanakomana waZuaru; |
|
| 9 |
|
| mudzinza raZebhuruni, torai Eriabhu mwanakomana waHeroni; |
|
| 10 |
|
| pavana vaJosefi mudzinza raEfuremu, torai Erishama mwanakomana waAmihudhi; mudzinza raManase, torai Gamarieri mwanakomana waPedhazuru; |
|
| 11 |
|
| mudzinza raBenjamini, torai Abhidhani mwanakomana waGidheoni; |
|
| 12 |
|
| mudzinza raDhani, torai Ahiezeru mwanakomana waAmishadhai; |
|
| 13 |
|
| mudzinza raAsheri, torai Pagieri mwanakomana waOkirani; |
|
| 14 |
|
| mudzinza raGadhi, torai Eriasafu mwanakomana waDheueru; |
|
| 15 |
|
| mudzinza raNafutari, torai Ahira mwanakomana waEnani. |
|
| 16 |
|
| Ivava ndivo vakasarudzwa mugungano rose, vaiva vatungamiriri mumadzinza avo, variwo vakuru vakuru mudzimhuri dzavaIsiraeri. |
|
| 17 |
|
| Mosesi naAroni vakagamuchira varume ivavo vakadomwa namazita. |
|
| 18 |
|
| Vakandokokorodza vaIsiraeri vose pazuva rokutanga romwedzi wechipiri, ndokunyora vanhu mumadzinza avo nomumhuri dzavo. Vakanyora mazita vachiverenga mumwe nomumwe varume vose vaiva namakore makumi maviri navaiva namakore anopfuura iwayo, |
|
| 19 |
|
| sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Saka akavaverenga vari kurenje reSinai. |
|
| 20 |
|
| Mudzinza rokwaRubheni dangwe raIsiraeri makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 21 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raRubheni vose vaisvika makumi mana ezviuru ane zviuru zvitanhatu namazana mashanu. |
|
| 22 |
|
| Mudzinza raSimeoni makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 23 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raSimeoni vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvipfumbamwe namazana matatu. |
|
| 24 |
|
| Mudzinza raGadhi makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 25 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raGadhi vose vaisvika makumi mana ezviuru ane zviuru zvishanu namazana matanhatu ana makumi mashanu. |
|
| 26 |
|
| Mudzinza raJudha makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 27 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raJudha vose vaisvika makumi manomwe ezviuru ane zviuru zvina namazana matanhatu. |
|
| 28 |
|
| Mudzinza raIsakari makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 29 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raIsakari vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvina namazana mana avanhu. |
|
| 30 |
|
| Mudzinza raZebhuruni makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 31 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raZebhuruni vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvinomwe namazana mana. |
|
| 32 |
|
| Mudzinza raJosefi, dzinza rokwaEfuremu vakaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 33 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raEfuremu vose vaisvika makumi mana ezviuru ana mazana mashanu. |
|
| 34 |
|
| Mudzinza raManase makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 35 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raManase vose vaisvika makumi matatu ezviuru ane zviuru zviviri namazana maviri. |
|
| 36 |
|
| Mudzinza raBhenjamini makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 37 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raBhenjamini vose vaisvika makumi matatu ezviuru ane zviuru zvishanu namazana mana. |
|
| 38 |
|
| Mudzinza raDhani makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 39 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raDhani vose vaisvika makumi matanhatu ezviuru ane zviuru zviviri namazana manomwe. |
|
| 40 |
|
| Mudzinza raAsheri makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 41 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raAsheri vose vaisvika makumi mana ezviuru ane chiuru chimwechete namazana mashanu. |
|
| 42 |
|
| Mudzinza raNafutari makaverengwa pazvizvarwa zvavo mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo uye pauwandi hwamazita avo mumwe nomumwe wavarume vose vaiva namakumi maviri amakore okuberekwa navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo. |
|
| 43 |
|
| Vakaverengwa mudzinza raNafutari vose vaisvika makumi mashanu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mana. |
|
| 44 |
|
| Ivava ndivo vanhu vakaverengwa naMosesi naAroni vachibatsirwa navatungamiriri vavaIsiraeri gumi navaviri, mumwe nomumwe achimiririra dzinza rake. |
|
| 45 |
|
| Saka vaIsiraeri vose vakaverengwa vaiva varume vane makumi maviri amakore navaipfuura iwayo vaikwanisa kuenda kuhondo, muIsiraeri. |
|
| 46 |
|
| Vose pamwechete vaikwana mazana matanhatu ezviuru ane zviuru zvitatu namazana mashanu ana makumi mashanu avanhu. |
|
| 47 |
|
| Asi vaRevhi havana kuverengwa pamwechete namamwe madzinza, |
|
| 48 |
|
| nokuti Tenzi akanga ataura naMosesi achiti, |
|
| 49 |
|
| “Asi vedzinza raRevhi usaverenge, usavaverengere mukati mavanhu veIsiraeri. |
|
| 50 |
|
| Asi vaRevhi ndivo vauchapa basa rapatendhe rechitenderano nazvose zvirimo. Ndivo vacharitakura pamwechete nazvose zvirimo. Ndivo vachashandamo. Vachadzika matendhe avo akaripoteredza. |
|
| 51 |
|
| Pamunenge motamisa tendhe rinoera, vaRevhi ngavaripete vachindoridzikazve kwamuchazombogara. Mumwe munhuwo zvake asiri muRevhi anenge asvika padyo naro ngaaurayiwe. |
|
| 52 |
|
| Vamwe vaIsiraeri vose ngavadzike matendhe avo vagare vari mumapoka avo, mumwe nomumwe ari muchikwata chake nomureza wacho. |
|
| 53 |
|
| Asi vaRevhi ngavadzike matendhe avo vakapoteredza tendhe rechitenderano kuti ndirege kuitira hasha gungano ravanhu veIsiraeri. VaRevhi vanofanira kuchengeta tendhe rechitenderano.” |
|
| 54 |
|
| Saizvozvo vaIsiraeri vakaita zvose zvakanga zvatemerwa Mosesi naTenzi. |
|
|
|
|