|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 2 |
|
| “Ita hwamanda mbiri dzesirivha yakapambadzirwa, ugodzishandisa kudana ungano pamwe chete uye kuti mapoka afambe. |
|
| 3 |
|
| Dzikaridzwa dzose dziri mbiri, ungano yose inofanira kuungana pamberi pako pamukova weTende Rokusangana. |
|
| 4 |
|
| Kana imwe chete ikaridzwa, vatungamiri, vakuru vedzimba dzaIsraeri, vanofanira kuungana pamberi pako. |
|
| 5 |
|
| Hwamanda yeyambiro painoridzwa marudzi akavaka kumabvazuva anofanira kutanga kufamba. |
|
| 6 |
|
| Paunoridza hwamanda yechipiri, misasa yezasi inofanira kufamba. Kurira kwehwamanda kuchava chiratidzo chokuti mufambe. |
|
| 7 |
|
| Kuti ungano iungane, muridze hwamanda, asi kwete namaridziro mamwe chetewo. |
|
| 8 |
|
| “Vanakomana vaAroni, vaprista ndivo vanofanira kuridza hwamanda. Uyu unofanira kuva mitemo usingaperi kwamuri nokuzvizvarwa zvinotevera. |
|
| 9 |
|
| Kana muchindorwa munyika yenyu nomuvengi anokumanikidzai, muridze hwamanda. Ipapo mucharangarirwa naJehovha Mwari wenyu achakununurai kubva kuvavengi venyu. |
|
| 10 |
|
| Uyezve, panguva dzenyu dzokufara, pamitambo yenyu yakatarwa uye nemitambo yoKugara kwoMwedzi, munofanira kuridza hwamanda pamusoro pezvipiriso zvenyu zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, uye zvichava chirangaridzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.” |
|
| 11 |
|
| Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri, wegore rechipiri, gore rakasimuka kubva pamusoro petabhenakeri yeChipupuriro. |
|
| 12 |
|
| Ipapo vaIsraeri vakasimuka kubva murenje reSinai, vakafamba vachienda kunzvimbo nenzvimbo kusvikira gore randomira murenje reParani. |
|
| 13 |
|
| Nguva ino, kwokutanga, vakafamba sezvavakanga varayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. |
|
| 14 |
|
| Mapoka omusasa waJudha ndiwo akatanga kuenda, pasi pomureza wavo. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi akanga achivatungamirira. |
|
| 15 |
|
| Netaneri mwanakomana waZua akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni. |
|
| 16 |
|
| Uye Eriabhu mwanakomana waHeroni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaZebhuruni. |
|
| 17 |
|
| Ipapo tabhenakeri yakabviswa, uye vaGerishoni navaMerari, vakanga vachiitakura, vakafamba. |
|
| 18 |
|
| Mapoka omusasa waRubheni akatevera, vari pasi pomureza wavo. Erizuri mwanakomana waShedheuri ndiye akanga achivatungamirira. |
|
| 19 |
|
| Sherumieri mwanakomana waZurishadhai akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaSimeoni, |
|
| 20 |
|
| uye Eriasafi mwanakomana waDheueri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaGadhi. |
|
| 21 |
|
| Ipapo vaKohati vakasimuka, vakatakura zvinhu zvitsvene. Tabhenakeri yaifanira kumiswa vasati vasvika. |
|
| 22 |
|
| Mapoka omusasa waEfuremu akatevera; vari pasi pomureza wavo. Erishama mwanakomana waAmihudhi akanga achivatungamirira. |
|
| 23 |
|
| Gamarieri mwanakomana waPedhazuri akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaManase. |
|
| 24 |
|
| Uye Abhidhani mwanakomana waGidheoni akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaBhenjamini. |
|
| 25 |
|
| Pakupedzisira, samapoka aichengetedza kumashure kwamapoka ose, mapoka omusasa waDhani akasimuka, ari pasi pomureza wavo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye akanga achivatungamirira. |
|
| 26 |
|
| Pagieri mwanakomana waOkirani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaAsheri; |
|
| 27 |
|
| uye Ahira mwanakomana waEnani akanga ari mukuru weboka rorudzi rwaNafutari. |
|
| 28 |
|
| Aya ndiwo akanga ari mafambiro amapoka avaIsraeri pakusimuka kwavo. |
|
| 29 |
|
| Zvino Mozisi akati kuna Hobhabhi mwanakomana waReueri muMidhiani, tezvara waMozisi, “Tava kuenda kunzvimbo yatakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai imi.’ Handei tose tigokuitirai zvakanaka, nokuti Jehovha avimbisa zvinhu zvakanaka kuna Israeri.” |
|
| 30 |
|
| Iye akapindura akati, “Kwete, handingaendi; ndiri kudzokera kunyika yangu nokuvanhu vokwangu.” |
|
| 31 |
|
| Asi Mozisi akati kwaari, “Ndapota hangu regai kutisiya. Munoziva patinofanira kuvaka musasa wedu murenje, uye imi mungava meso edu. |
|
| 32 |
|
| Kana mukaenda nesu, tichagovana nemi chinhu chipi nechipi chatichapiwa naJehovha.” |
|
| 33 |
|
| Saka vakasimuka kubva pagomo raJehovha vakafamba kwamazuva matatu. Areka yaJehovha yesungano yakavatungamirira pamazuva matatu iwayo kuti vatsvakirwe nzvimbo yokuzororera. |
|
| 34 |
|
| Gore raJehovha rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka kubva pamusasa. |
|
| 35 |
|
| Paingosimuka areka, Mozisi aiti, “Haiwa Jehovha, simukai! Vavengi venyu ngavaparadzirwe, vavengi venyu ngavatize pamberi penyu.” |
|
| 36 |
|
| Payaigadzikwa pasi, iye aiti, “Haiwa Jehovha, dzokai kuzviuru nezviuru zvavaIsraeri.” |
|
|
|
|