|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 2 |
|
| “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare, |
|
| 3 |
|
| uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokungopa kana zvipiriso zvemitambo, |
|
| 4 |
|
| ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehinib yamafuta. |
|
| 5 |
|
| Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. |
|
| 6 |
|
| “ ‘Munofanira kugadzira negondohwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefac youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechetatu chehinid yamafuta, |
|
| 7 |
|
| uye chetatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuwira chinofadza kuna Jehovha. |
|
| 8 |
|
| “ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana, |
|
| 9 |
|
| munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi cheefae youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehinif yamafuta pamwe chete nehando. |
|
| 10 |
|
| Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira chinofadza Jehovha. |
|
| 11 |
|
| Hando imwe neimwe kana gondohwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi. |
|
| 12 |
|
| Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira. |
|
| 13 |
|
| “ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. |
|
| 14 |
|
| Kumarudzi anotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi. |
|
| 15 |
|
| Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi anotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa. |
|
| 16 |
|
| Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ” |
|
| 17 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 18 |
|
| “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai |
|
| 19 |
|
| uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso. |
|
| 20 |
|
| Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro. |
|
| 21 |
|
| Kusvikira kumarudzi anotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga. |
|
| 22 |
|
| “ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha, |
|
| 23 |
|
| zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kumarudzi anotevera, |
|
| 24 |
|
| uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, nehando yembudzi kuti ive chipiriso chechivi. |
|
| 25 |
|
| Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi. |
|
| 26 |
|
| Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi. |
|
| 27 |
|
| “ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi. |
|
| 28 |
|
| Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa. |
|
| 29 |
|
| Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa. |
|
| 30 |
|
| “ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. |
|
| 31 |
|
| Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ” |
|
| 32 |
|
| VaIsraeri vachiri murenje, mumwe munhu akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata. |
|
| 33 |
|
| Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose, |
|
| 34 |
|
| uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvinofanira kuitwa kwaari. |
|
| 35 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Munhu uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.” |
|
| 36 |
|
| Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 37 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 38 |
|
| “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira, kumarudzi achatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe. |
|
| 39 |
|
| Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu. |
|
| 40 |
|
| Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu. |
|
| 41 |
|
| Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ” |
|
|
|
|