|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe navanakomana vako, naveimba yababa vako pamwechete newe, munofanira kutakura zvakaipa zveimba tsvene; iwe navanakomana vako pamwechete newe munofanira kutakura zvakaipa zvoupristi hwenyu. |
|
| 2 |
|
| Nehama dzako dzorudzi rwaRevhi, dzorudzi rwababa vako, udziswededze pamwechete newe, dzive newe, dzikubatire; asi iwe navanakomana vako pamwechete newe, munofanira kuva pamberi petende rechipupuriro. |
|
| 3 |
|
| Vanofanira kukuchengeta iwe nokuchengeta Tende rose; asi havafaniri kuswedera kunhumbi dzeimba tsvene neatari, kuti varege kufa, kana ivo kana imi. |
|
| 4 |
|
| Vanofanira kuva newe, nokuchengeta tende rokusangana, nokuita mabasa ose eTende; asina kufanira haafaniri kuswedera kwamuri. |
|
| 5 |
|
| Munofanira kuchengeta imba tsvene, nokuchengeta atari, kuti kutsamwa kurege kuuya pamusoro pavana VaIsiraeri. |
|
| 6 |
|
| Ini ndimene, tarirai, ndakatsaura hama dzenyu vaRevhi pakati pavana VaIsiraeri, vave chipo kwamuri, vanhu vakapiwa Jehovha, kuti vabate mabasa etende rokusangana. |
|
| 7 |
|
| Iwe navana vako pamwechete newe munofanira kubata basa roupristi hwenyu pazvinhu zvose zveatari, nezvose zviri mukati mechidzitiro; ndipo pamunofanira kubata; ndinokupai upristi, chive chipo chebasa; asi asina kufanira, anoswedera, anofanira kuurayiwa.” |
|
| 8 |
|
| Jehovha akataurawo naAroni, akati, “Ini, tarira, ndakakupa basa rokuchengeta zvipiriso zvangu zvinotsaurwa, izvo zvinhu zvose zvakatsaurwa zvavana VaIsiraeri; ndakakupa izvo uve mugove wako nowavanakomana vako nokusingaperi. |
|
| 9 |
|
| Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kuva zvako pazvinhu zvitsvene zvikuru, zvakasara kana zvimwe zvapiswa, zvinoti: Zvipo zvavo zvose, izvo zvipiriso zvavo zvose zvoupfu, nezvipiriso zvavo zvose zvezvivi, nezvipiriso zvavo zvose zvemhosva, zvavanondipa, izvo zvinofanira kuva zvitsvene zvikuru kwauri nokuvanakomana vako. |
|
| 10 |
|
| Munofanira kuzvidya panzvimbo tsvene–tsvene; varume vose vanofanira kuzvidya; zvinofanira kuva zvitsvene kwamuri. |
|
| 11 |
|
| Izvi ndizvo zvako: Chipiriso chinotsaurwa nezvipo zvavo, izvo zvipiriso zvose zvinozunguzirwa zvavana VaIsiraeri; ndakakupa izvo, iwe, navanakomana vako, navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvenyu nokusingaperi; vose vakanaka mumba mako vangazvidya. |
|
| 12 |
|
| Ndakakupa mafuta ose akaisvonaka, newaini yakaisvonaka, nezviyo zvose zvakaisvonaka, izvo zvitsva zvazvo zvavanopa Jehovha. |
|
| 13 |
|
| Zvibereko zvitsva zvose nezvose zviri munyika yavo, zvavanouya nazvo kuna Jehovha, zvinofanira kuva zvako; mumwe nomumwe akanaka mumba mako angazvidya. |
|
| 14 |
|
| Zvose zvakayeriswa pakati paIsiraeri zvinofanira kuva zvako. |
|
| 15 |
|
| Zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, panyama yose yavanouyisa kuna Jehovha, kana zviri zvavanhu, kana zvezvipfuwo, zvinofanira kuva zvako; kunyangwe zvakadaro matangwe avanhu unofanira kuadzikinura; vana vose vematangwe ezvipfuwo unofanira kuvadzikinurawo. |
|
| 16 |
|
| Zvose zvinofanira kudzikinurwa pazviri, zvomwedzi mumwe nezvinopfuura, unofanira kuzvidzikinura sezvaunotara iwe, nemari inosvika pamashekeri mashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene (rakaenzana namagera ana makumi maviri.) |
|
| 17 |
|
| Asi usadzikinura mwana wematangwe emombe, kana egwai, kana embudzi; zvitsvene; unofanira kusasa ropa razvo pamusoro peatari, nokupisa mafuta azvo, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. |
|
| 18 |
|
| Asi nyama yazvo inofanira kuva yako, zvinofanira kuva zvako sechityu chinozunguzirwa nebandauko rorudyi. |
|
| 19 |
|
| Zvipiriso zvose zvinotsaurwa zvezvinhu zvinopiwa Jehovha navana VaIsiraeri, ndakakupa izvo, iwe navanakomana vako navanasikana vako pamwechete newe, zvive zvako nokusingaperi; isungano yomunyu nokusingaperi pamberi paJehovha, kwauri navazukuru vako pamwechete newe.” |
|
| 20 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungavi nenhaka panyika yavo, haungavi nomugove pakati pavo; ini ndiri mugove wako nenhaka yako pakati pavana VaIsiraeri. |
|
| 21 |
|
| “Tarira, vana vaRevhi ndakavapa zvegumi zvezvose zvavana VaIsiraeri, ive nhaka yavo, uve mubairo webasa ravanobata, iro basa rapatende rokusangana. |
|
| 22 |
|
| Kubva zvino vana VaIsiraeri ngavarege kuswedera kutende rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo, vakafa. |
|
| 23 |
|
| Asi vaRevhi vanofanira kubata basa rapatende rokusangana, ivo vanofanira kutakura zvakaipa zvavo; unofanira kuva mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose; havangavi nenhaka pakati pavana VaIsiraeri. |
|
| 24 |
|
| Nokuti zvegumi zvavana VaIsiraeri zvavanopa Jehovha, zvive zvipiriso zvinotsaurwa, ndizvo zvandakapa vaRevhi, kuti ive nhaka yavo; naizvozvo ndakati kwavari, havangavi nenhaka pakati pavana VaIsiraeri.” |
|
| 25 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, |
|
| 26 |
|
| “Taura navaRevhi, uti kwavari, ‘Kana muchitora kuvana VaIsiraeri zvegumi zvavo zvandakakupai, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kupa Jehovha chegumi chezvegumi izvo, chive chipiriso chinotsaurwa.’ |
|
| 27 |
|
| Chipiriso chenyu chinotsaurwa chichaverengwa kwamuri sezviyo zviri paburiro, uye sewaini izere muchisviniro chewaini. |
|
| 28 |
|
| Saizvozvo nemiwo muchapa Jehovha chipiriso chinotsaurwa chezvegumi zvenyu zvose zvamunopiwa navana VaIsiraeri; zvino kuna izvozvo munofanira kupa Aroni mupristi chipiriso chinotsaurwa chaJehovha. |
|
| 29 |
|
| Pazvose zvamunopiwa, munofanira kupa Jehovha zvipiriso zvenyu zvose zvinotsaurwa, muchitsaura zvakaisvonaka kwazviri, mugove wakatsaurwa pakati pazvo. |
|
| 30 |
|
| Naizvozvo uti kwavari, ‘Kana matsaura zvakaisvonaka kwazviri, zvinofanira kuverengerwa vaRevhi sezvakapurwa paburiro, nezvakasviniwa pachisviniro chewaini. |
|
| 31 |
|
| Munofanira kuzvidya panzvimbo dzose, imi nemhuri dzenyu; nokuti ndiwo mubairo wenyu webasa ramunobata patende rokusangana.’ |
|
| 32 |
|
| Hamungazovi nezvivi nokuda kwazvo, kana mambotsaura zvakaisvonaka kwazviri; hamufaniri kuzvidza zvinhu zvitsvene zvavana VaIsiraeri, kuti murege kufa.” |
|
|
|
|