|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati, |
|
| 2 |
|
| "Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamureza wowokwake, nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba avo; vanofanira kudzika matende avo vakatarisana netende rokusangana vakarikomba. |
|
| 3 |
|
| Vanodzika kurutivi rwamabvazuva, nokunobuda zuva nako, vanofanira kuva vomureza wemisasa yaJudha, namapoka avo; Nashoni mwanakomana waAminadhabhu ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaJudha. |
|
| 4 |
|
| Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu. |
|
| 5 |
|
| Vanodzika kurutivi rwavo vanofanira kuva vorudzi rwaIsakari; Netaneri, mwanakomana waZuari ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaIsakari. |
|
| 6 |
|
| Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvina, namazana mana. |
|
| 7 |
|
| Novorudzi rwaZebhuruni; Eriabhu, mwanakomana waHeroni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaZebhuruni. |
|
| 8 |
|
| Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana. |
|
| 9 |
|
| "Vose vakaverengwa vemisasa yaJudha vakanga vane zviuru zvine zana nezviuru zvina makumi masere nezvitanhatu namazana mana, namapoka avo. Ndivo vanofanira kutanga kusimuka. |
|
| 10 |
|
| "Kurutivi rwezasi ndiko kunofanira kuva nomureza wemisasa yaRubheni, namapoka avo; Erizuri, mwanakomana waShedheuri, ndiye unofanira kuva muchinda wavana vaRubheni. |
|
| 11 |
|
| Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu. |
|
| 12 |
|
| Rudzi rwaSimiyoni ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwake; Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaSimiyoni. |
|
| 13 |
|
| Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu. |
|
| 14 |
|
| worudzi rwaGadhi Eriasafi mwanakomana waReueri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaGadhi. |
|
| 15 |
|
| Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvinamakumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu. |
|
| 16 |
|
| Vose vakaverengwa pamisasa yaRubheni vakasvika zviuru zvine zana rimwe namakumi mashanu nechiuru chimwe namazana mana namakumi mashanu, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechipiri. |
|
| 17 |
|
| "Zvino tende rokusangana rinofanira kusimuka pamwechete nemisasa yavaRevhi pakati pemisasa yose; nomutoo wavanodzika matende avo, vanofanira kusimuka saizvozvo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pamureza wake. |
|
| 18 |
|
| "Kurutivi rwamavirazuva kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfuremu, namapoka avo; Erishama, mwanakomana waAmihudhi, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaEfuremu. |
|
| 19 |
|
| Boka rake, navakaverengwa kwaari, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu. |
|
| 20 |
|
| Rudzi rwaManase vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaManase. |
|
| 21 |
|
| Boka rake, navakaverengwa" kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri. |
|
| 22 |
|
| Norudzi rwaBhenjamini: Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaBhenjamini. |
|
| 23 |
|
| Boka rake, navose vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana. |
|
| 24 |
|
| Vose vakaverengwa pamisasa yaEfuremu vakasvika zviuru zvine zana nezvisere nezana rimwe, namapoka avo. Ndivo vanofanira kusimuka rwechitatu. |
|
| 25 |
|
| "Kurutivi rwokumusoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDhani, namapoka avo; Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaDhani. |
|
| 26 |
|
| Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezviviri namazana manomwe. |
|
| 27 |
|
| Rudzi rwaAsheri ndivo vanofanira kudzika kurutivi rwavo; Pagieri, mwanakomana waOkirani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaAsheri. |
|
| 28 |
|
| Boka rake navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechimwe namazana mashanu. |
|
| 29 |
|
| Norudzi rwaNafutari; Ahira, mwanakomana waEnani, ndiye anofanira kuva muchinda wavana vaNafutari. |
|
| 30 |
|
| Boka rake, navakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana. |
|
| 31 |
|
| Vose vakaverengwa pamisasa yaDhani vakasvika zviuru zvine zana namakumi mashanu nezvinomwe namazana matanhatu. Ndivo vanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yavo." |
|
| 32 |
|
| Ndivo vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo; vose vakaverengwa pamisasa yavo, namapoka avo, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu. |
|
| 33 |
|
| Asi vaRevhi havana kuverengwa pakati pavana vaIsiraeri, sezvakarairwa Mozisi naJehovha. |
|
| 34 |
|
| Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa zvose naJehovha, saizvozvo vakadzika matende avo pamireza yavo, mumwe nomumwe pamhuri dzavo, padzimba dzamadzibaba avo. |
|
|
|
|