|
| 1 |
|
| Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati: |
|
| 2 |
|
| Ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kudzika matente aʋo, mumŋe nomumŋe pamureza woʋokwake, neɀiratidzo ɀedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ʋanofanira kudzika matente aʋo ʋakatarisana netente rokusoŋgana ʋakarikomba. |
|
| 3 |
|
| Ʋanodzika kurutiʋi rwamabvazuʋa, nokunoɓuɗa zuʋa nako, ʋanofanira kuʋa ʋomureza wemisasa yaJuda, namapoka aʋo; Nashoni mŋanakomana waAminadabi ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaJuda. |
|
| 4 |
|
| Ƃoka rake naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀinna namazana matanhatu. |
|
| 5 |
|
| Ʋanodzika kurutiʋi rwaʋo ʋanofanira kuʋa ʋorudzi rwaIsakari; Netaneri, mŋanakomana waZuari ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaIsakari. |
|
| 6 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀinna, namazana manna. |
|
| 7 |
|
| Noʋorudzi rwaZeburuni; Eriabi, mŋanakomana waHeroni, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaZeburuni. |
|
| 8 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀinomŋe, namazana manna. |
|
| 9 |
|
| Ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋemisasa yaJuda ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinezana neɀuru ɀinamakumi masere neɀitanhatu namazana manna, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kutaŋga kusimuka. |
|
| 10 |
|
| Kurutiʋi rwezasi ndiko kunofanira kuʋa nomureza wemisasa yaRubeni, namapoka aʋo; Erizuri, mŋanakomana waShedeuri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaRubeni. |
|
| 11 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀitanhatu namazana mashanu. |
|
| 12 |
|
| Rudzi rwaSimeoni ndiʋo ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwake; Sherumieri, mŋanakomana waZurishadai, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaSimeoni. |
|
| 13 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀipfumbamŋe namazana matatu. |
|
| 14 |
|
| Norudzi rwaGadi: Eriasafi, mŋanakomana waReueri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaGadi. |
|
| 15 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana matanhatu namakumi mashanu. |
|
| 16 |
|
| Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaRubeni ʋakaȿika ɀuru ɀinezana rimŋe namakumi mashanu necuru cimŋe namazana manna namakumi mashanu, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kuȿimuka rwecipiri. |
|
| 17 |
|
| Ɀino tente rokusoŋgana rinofanira kusimuka pamŋe cete nemisasa yaʋaRevi pakati pemisasa yose; nomutoʋo waʋanodzika matente aʋo, ʋanofanira kusimuka saiɀoɀo, mumŋe nomumŋe panɀimbo yake, pamureza wake. |
|
| 18 |
|
| Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaEfraimi, namapoka aʋo; Erishama, mŋanakomana waAmihudi, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaEfraimi. |
|
| 19 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna namazana mashanu. |
|
| 20 |
|
| Rudzi rwaManase ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwaʋo; Gamarieri, mŋanakomana waPedashuri, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaManase. |
|
| 21 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri namazana maʋiri. |
|
| 22 |
|
| Norudzi rwaBenjamini: Abidani, mŋanakomana waGideoni, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaBenjamini. |
|
| 23 |
|
| Ƃoka rake, naʋose ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀishanu namazana manna. |
|
| 24 |
|
| Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaEfraimi ʋakaȿika ɀuru ɀinezana neɀisere nezana rimŋe, namapoka aʋo. Ndiʋo ʋanofanira kuȿimuka rwecitatu. |
|
| 25 |
|
| Kurutiʋi rwokumsoro kunofanira kuiswa mureza wemisasa yaDani, namapoka aʋo; Ahiezeri, mŋanakomana waAmishadai, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaDani. |
|
| 26 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀiʋiri namazana manomŋe. |
|
| 27 |
|
| Rudzi rwaAsheri ndiʋo ʋanofanira kudzika kurutiʋi rwaʋo; Pagieri, mŋanakomana waOkrani, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaAsheri. |
|
| 28 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna necimŋe namazana mashanu. |
|
| 29 |
|
| Norudzi rwaNaftari; Ahira, mŋanakomana waEnani, ndiye unofanira kuʋa mucinda waʋana ʋaNaftari. |
|
| 30 |
|
| Ƃoka rake, naʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀitatu namazana manna. |
|
| 31 |
|
| Ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaDani ʋakaȿika ɀuru ɀinezana namakumi mashanu neɀinomŋe namazana matanhatu. Ndiʋo ʋanofanira kusimuka pakupedzisira pamireza yaʋo. |
|
| 32 |
|
| Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa ʋaʋana ʋaIsraeri nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ʋose ʋakaʋereŋgwa pamisasa yaʋo, namapoka aʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu neɀitatu namazana mashanu namakumi mashanu. |
|
| 33 |
|
| Asi ʋaRevi haʋana‐kuʋereŋgwa pakati paʋana ʋaIsraeri, seɀakarairwa Mosesi naJehova. |
|
| 34 |
|
| Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi seɀaakarairwa ɀose naJehova, saiɀoɀo ʋakadzika matente aʋo pamireza yaʋo, mumŋe nomumŋe pamhuri dzaʋo, padzimba dzamadziɓaɓa aʋo. |
|
|
|
|