|
| 1 |
|
| Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo. |
|
| 2 |
|
| Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, "Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose." |
|
| 3 |
|
| Jehovha akateerera inzwi ravaIsiraeri, akavapa vaKenani; vakavaparadza chose namaguta avo; nzvimbo iyo ikanzi Homa. |
|
| 4 |
|
| Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera moyo kwazvo panzira. |
|
| 5 |
|
| Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMozisi, vakati, "Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa." |
|
| 6 |
|
| Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji valsiraeri vakafa. |
|
| 7 |
|
| Zvino vanhu vakauya kuna Mozisi, vakati, "Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri." Mozisi akakumbirira vanhu. |
|
| 8 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama." |
|
| 9 |
|
| Mozisi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama. |
|
| 10 |
|
| Vana valsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo paObhoti. |
|
| 11 |
|
| Vakabva Obhoti, vakandodzika matende avo paIje-aBharimi, murenje riri pamberi paMoabhu, kumabvazuva. |
|
| 12 |
|
| Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo pamupata weZeredhi. |
|
| 13 |
|
| Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo kumhiri kwaArinoni, rwizi rwaiva murenje, rwaibva kunyika yavaAmori; nokuti Arinoni ndiwo muganhu wavaMoabhu, pakati paMoabhu navaAmori. |
|
| 14 |
|
| Naizvozvo pabhuku yeHondo dzaJehovha panoti: VaHebhi paSufa,Nemipata yaArinoni, |
|
| 15 |
|
| Nemikwidza yemipata inorerekera kunzvimbo yeAri, Inosendamira pamuganhu waMoabhu. |
|
| 16 |
|
| Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mozisi, "Unganidza vanhu, ndichavapa mvura." |
|
| 17 |
|
| Zvino vaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu: Chivhaira, iwe tsime; imwi muriimbire; |
|
| 18 |
|
| Ndiro tsime rakacherwa namachinda, Rakacherwa navakuru vavanhu Netsvimbo youshe, uye netsvimbo dzavo.Vakabva murenje, vakaenda Matana; |
|
| 19 |
|
| vakabva Matana, vakaenda Naharieri; vakabva Naharieri, vakaenda Bhamoti; |
|
| 20 |
|
| vakabva Bhamoti, vakaenda kumupata uri kubani raMoabhu, kusvikira kumusoro wegomo rePisiga, rinotarira pasi kurenje. |
|
| 21 |
|
| Zvino vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti, |
|
| 22 |
|
| "Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatingamwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako." |
|
| 23 |
|
| Asi Sihoni akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akaenda kurenje kundorwa navaIsiraeri, akasvika paJahazi; akarwa navaIsiraeri. |
|
| 24 |
|
| Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba. |
|
| 25 |
|
| Naizvozvo vaIsiraeri vakakunda maguta iwayo ose; vaIsiraeri vakagara mumaguta ose avaAmori, muHeshibhoni napamisha yaro yose. |
|
| 26 |
|
| Nokuti Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni, mambo wavaAmori, iye akanga arwa namambo wokutanga waMoabhu, akamutorera nyika yake yose kusvikira paArinoni. |
|
| 27 |
|
| Naizvozvo vanotaura neshumo vanoti, "Uyai muHeshibhoni,Guta raSihoni ngarivakwe, risimbiswe; |
|
| 28 |
|
| Nokuti moto wakabuda Nomurazvo paguta raSihoni, Ukaparadza Ari waMoabhu, Madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni. |
|
| 29 |
|
| Une nhamo iwe Moabhu! Mapera imwi vanhu veKemoshi; Wakapa Sihoni vanakomana vake vatize,Navanasikana vake vatapwe, Sihoni, mambo wavaAmori. |
|
| 30 |
|
| Takavapfura; Heshibhoni rakaparadzwa kusvikira paDhibhoni,Takaparadza kusvikira paNofa, Moto ukasvika paMedhebha." |
|
| 31 |
|
| Naizvozvo valsiraeri vakagara munyika yavaAmori. |
|
| 32 |
|
| Zvino Mozisi akatuma vanhu kundoshora Jazeri, vakakunda misha yaro, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo. |
|
| 33 |
|
| Ipapo vakadzoka, vakakwira nenzira inoenda Bhashani; zvino Ogi, mambo weBhashani, akauya kuzorwa navo paEdhirei, iye navanhu vake vose. |
|
| 34 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaoko ako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, aigara paHeshibhoni." |
|
| 35 |
|
| Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake. |
|
|
|
|