Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino vana vaIsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo pamapani eMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko. |
| 2 |
| Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, akanga aona zvose zvakaitirwa vaAmori navaIsiraeri. |
| 3 |
| Moabhu akatya vanhu avo kwazvo, nokuti vakanga vari vazhinji; Moabhu akavhunduka nokuda kwavana vaIsiraeri. |
| 4 |
| Ipapo Moabhu akati kuvakuru vaMidhiani, “Zvino vanhu ava vazhinji vachananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwesango”; Bharaki, mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo waMoabhu nenguva iyo. |
| 5 |
| Ipapo akatuma nhume kuna Bharamu, mwanakomana waBheori, paPetori paRwizi, kunyika yavana vorudzi rwake, kuzomudana, achiti, “Tarira, pano pana vanhu vakabva Ijipiti; tarira, vakafukidza nyika yose, zvino voda kurwa neni. |
| 6 |
| Naizvozvo douya hako zvino, unditukire vanhu ava; nokuti vanondikurira nesimba; zvimwe ndingagona kuvakunda, ndivadzinge munyika ino; nokuti ndinoziva kuti munhu akaropafadzwa newe, akaropafadzwa kwazvo, uye munhu akatukwa newe, wakatukwa kwazvo.” |
| 7 |
| Ipapo vakuru vaMoabhu navakuru vaMidhiani vakaenda vakabata shanu yokuuka mumaoko avo, vakasvika kuna Bharamu, vakamuudza mashoko aBharaki. |
| 8 |
| Iye akati kwavari, “Vatai usiku huno pano, ndikudzoserei neshoko, sezvandichaudzwa naJehovha;” machinda aMoabhu akagarapo kuna Bharamu. |
| 9 |
| Zvino Mwari akauya kuna Bharamu, akati, “Vanhu ava vari kwauri ndivananiko?” |
| 10 |
| Bharamu akati kuna Mwari, “Bharaki, mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akatuma shoko kwandiri, achiti, |
| 11 |
| ‘Tarira, vanhu vakabva Ijipiti vakafukidza nyika yose; zvino uya unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nokuvadzinga.’ ” |
| 12 |
| Ipapo Mwari akati kuna Bharamu, “Haufaniri kuenda navo; haufaniri kutuka vanhu avo; nokuti vakaropafadzwa.” |
| 13 |
| Bharamu akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki, “Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha anoramba kunditendera kuenda nemi.” |
| 14 |
| Ipapo machinda aMoabhu vakasimuka, vakaenda kuna Bharaki, vakati, “Bharamu aramba kuuya nesu.” |
| 15 |
| Zvino Bharaki akapamhazve kutuma machinda mazhinji kuna ivo navakakudzwa kupfuura ivo. |
| 16 |
| Vakasvika kuna Bharamu, vakati kwaari, “Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, ‘Usatendera chinhu kukudzivisa kuuya kwandiri; |
| 17 |
| nokuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, zvose zvaunondiraira ndichazviita; naizvozvo douya hako unditukire vanhu ava.’ ” |
| 18 |
| Bharamu akapindura, akati kuvaranda vaBharaki, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri. |
| 19 |
| Naizvozvo zvino nemiwo dovatai henyu pano usiku huno, kuti ndizive zvandichaudzwazve naJehovha.” |
| 20 |
| Zvino Mwari akauya kuna Bharamu usiku, akati kwaari, “Vanhu ava kana vakauya kuzokudana simuka uende navo; asi shoko randichataura kwauri, unofanira kuita iro roga.” |
| 21 |
| Zvino Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake, akaenda namachinda aMoabhu. |
| 22 |
| Asi Mwari akamutsamwira, zvaakaenda; mutumwa waJehovha akandomira munzira yake, kuti arwe naye. Zvino iye akanga akatasva mbongoro yake, navaranda vake vaviri vakanga vanaye. |
| 23 |
| Ipapo mbongoro ikaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; mbongoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusango; Bharamu akarova mbongoro kuti aidzorere kunzira. |
| 24 |
| Zvino mutumwa waJehovha akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiringa, rusvingo ruri kurutivi runo, norusvingo kuno rumwe rutivizve. |
| 25 |
| Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikazvisundira kurusvingo; ikambandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; ipapo akairovazve. |
| 26 |
| Mutumwa waJehovha akapfuura mberi, akandomira pakanga pakamanikana, pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. |
| 27 |
| Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikavata pasi, Bharamu ari pamusoro payo; Bharamu akatsamwa, akarova mbongoro netsvimbo yake. |
| 28 |
| Zvino Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndakakuitireiko, zvamandirova zvino katatu?” |
| 29 |
| Bharamu akati kumbongoro, “Nokuti wakandidadira; dai ndaiva nomunondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya pakarepo.” |
| 30 |
| Mbongoro ikati kuna Bharamu, “Ko ini handizi mbongoro yenyu yamakatasva makore enyu ose kusvikira zuva rino here? Ko ndaigara ndichikuitirai saizvozvo here?” Iye akati, “Kwete.” |
| 31 |
| Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake. |
| 32 |
| Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Warovereiko mbongoro yako zvino katatu? Tarira, ini ndimene ndabuda kuzokudzivisa, nokuti nzira yako inovavarira kune zvakaipa pamberi pangu. |
| 33 |
| Mbongoro yakandiona, ikatsauka pamberi pangu katatu; dai isina kutsauka pamberi pangu, zvirokwazvo ndingadai ndakuuraya iwe, ndikairaramisa iyo.” |
| 34 |
| Ipapo Bharamu akati kumutumwa waJehovha, “Ndatadza, nokuti ndakanga ndisingazivi kuti ndiwe wakanga umire munzira uchindidzivisa; naizvozvo zvino, kana usingafari nazvo, ndichadzoka hangu.” |
| 35 |
| Mutumwa waJehovha akati kuna Bharamu, “Enda hako navarume ava, asi shoko roga randichataura kwauri, ndiro raunofanira kutaura.” Naizvozvo Bharamu akaenda namachinda aBharaki. |
| 36 |
| Zvino Bharaki akati anzwa kuti Bharamu asvika, akabuda kundosangana naye paIri‐moabhu riri pamuganhu weArinoni, pamugumo wenyika. |
| 37 |
| Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, “Ko handina kutuma nhume kwauri nomwoyo wose, ndichikudana here? Wakaregereiko kuuya kwandiri? Ko handigoni kukukudza here?” |
| 38 |
| Bharamu akati kuna Bharaki, “Tarira, ndauya kwauri; ko ini ndine simba rokutaura chinhu here? Shoko rinoiswa mumuromo mangu naMwari, ndiro randichataura.” |
| 39 |
| Zvino Bharamu akaenda naBharaki, akasvika paKiriati‐huzoti. |
| 40 |
| Bharaki akabaya nzombe namakwai, akazvitumira kuna Bharamu namachinda akanga anaye. |
| 41 |
| Zvino mangwanani Bharaki akatora Bharamu, akamukwidza panzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, akaona, aripo, vanhu vokumudzivo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/numbers/022.mp3
36
22