|
| 1 |
|
| Bhiriamu paakaona kuti Tenzi aifadzwa nokukomborera vaIsiraeri haana kuzombondotsvaka chiratidzo sezvaaimboita. Asi akatarisa kurenje, |
|
| 2 |
|
| akaona vaIsiraeri vakadzika matendhe avo dzinza nedzinza, Mweya waMwari ndokuuya paari. |
|
| 3 |
|
| Akaenderera mberi nokuporofita kwake achiti, “Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori, chirevo chomurume akapengenutswa meso ake. |
|
| 4 |
|
| Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo chaSamasimbaose, anoti pasi zvambarara meso ake achipengenutswa. |
|
| 5 |
|
| A-a manakiroi akaita matendhe ako Jakobho, naiwoka madzikiro ako matendhe iwe Isiraeri! |
|
| 6 |
|
| Akaita samapani anoenda uko nokoko, samapindu ari munhivi dzerwizi samagavakava, akasimwa naTenzi, semisidhari iri padeketeke remvura. |
|
| 7 |
|
| Zvirongo zvavo zvichafashukira nemvura, mbesa dzavo dzichawana mvura yakawanda. Kukudzwa kwamambo wavo kuchadarika kwaAgagi, ushe hwake huchaita mukurumbira. |
|
| 8 |
|
| Mwari akavaburitsa kuIjipiti, achivarwira nesimba semvumba, ndudzi dzavanhu dzinovavenga vachadziparadza, mapfupa avavengi vavo vachaati bwabwabwa vachivabvoora nemiseve yavo. |
|
| 9 |
|
| Seshumba vaIsiraeri vanoti hwata vachivata pasi, vanoita seshumba hadzi, ndianiko angavadenhe. Wose anokukomborera, ngaakomborerwe. Wose anokurengerera rushambwa ngaawire norushambwa.” |
|
| 10 |
|
| Bharaki akashatiriswa naBhiriamu, ndokurovanisa maoko ake pamwechete. Bharaki ndokuti kuna Bhiriamu, “Ndakakudaidzira kuzorengerera rushambwa vavengi vangu, asi zvino watovakomborera zvako katatu kose. |
|
| 11 |
|
| Zvino chitiza, dzokera kumusha kwako. Ndakamboti ndichakupa mubairo, asi Tenzi akunyimisa mubairo wacho.” |
|
| 12 |
|
| Bhiriamu ndokuti kuna Bharaki, “Ko handina kuudza nhume dzenyu dzamakanditumira kuti, |
|
| 13 |
|
| ‘Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingambotsaudziri shoko raTenzi ndichiita zvakanaka kana zvakaipa zvandinoda pachangu.’ Zvinenge zvataurwa naTenzi ndizvo zvandichataura. |
|
| 14 |
|
| “Zvino ndava kudzokera kwedu, kuna vanhu vorudzi rwangu. Asi regai ndifanokuudzai zvichaitwa navaIsiraeri kuvanhu venyu mune ramangwana.” |
|
| 15 |
|
| Bhiriamu ndokuenderera mberi nokuporofita achiti, “Chirevo chaBhiriamu mwanakomana waBheori, chirevo chomurume akapengenutswa meso ake. |
|
| 16 |
|
| Chirevo chomunhu anonzwa mashoko aMwari, anopiwa ruzivo noWokumusorosoro, anoona chiratidzo chaSamasimbaose, anoti pasi zvambarara, meso ake achipengenutswa. |
|
| 17 |
|
| Ndinomuona, asi zvandinoona hazvisi zvanhasi, ndinomutarisa asi haasi pedyo. Nyenyedzi ichauya ichibva muna Jakobho, muvaIsiraeri muchava nomubati wetsvimbo youshe, huma yaMoabhu achaitekeshura achaparadza vanakomana vaSheti. |
|
| 18 |
|
| Achakunda Edhomu muvengi wake, makomo avo eSeiri achaatora. Isiraeri acharamba achikunda. |
|
| 19 |
|
| Muna Jakobho muchava nomutongi achaparadza vaya vakasara vari vapenyu mumaguta.” |
|
| 20 |
|
| Bhiriamu akaona vaAmareki, ndokuporofita nezvavo achiti, “Simba ravaAmareki raidarika ramarudzi ose, asi vachaguma vaparadzwa zvachose.” |
|
| 21 |
|
| Bhiriamu akaona vaKeni, ndokuporofita nezvavo achiti; “Paugere hapana chichakuwana, dendere rako rakavakirwa mudombo. |
|
| 22 |
|
| Kunyange zvakadaro vaKeni vachaparadzwa. Muchagara muri nhapwa dzavaAsiria kusvikira riniko?” |
|
| 23 |
|
| Bhiriamu akazoporofita achiti; “Ndiani angararame kana Tenzi achiita zvakadai? |
|
| 24 |
|
| Asi ngarava dzichabva kuSaipurasi dzichaonesa nhamo Asiria naEbheru. Asi ivo pachavo vachaparadzwawo.” |
|
| 25 |
|
| Bhiriamu akazosimuka akadzokera kumusha kwake. Bharaki akaendawo kwake. |
|
|
|
|