|
| 1 |
|
| Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un'anga, asi akaringira kurenje, |
|
| 2 |
|
| Bharamu akasimudza meso ake, akaona VaIsiraeri vagere namarudzi avo; Mweya waMwari akauya pamusoro pake, |
|
| 3 |
|
| akataura nomufananidzo wake, akati, “Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake, |
|
| 4 |
|
| Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye unoona zvinoratidzwa nawaMasimbaose, Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake; |
|
| 5 |
|
| Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakobho, Nedzimba dzako, iwe Isiraeri! |
|
| 6 |
|
| Vakatasanurwa semipata, Seminda kunhivi dzorwizi, Samagavakava akasimwa naJehovha, Semichindwe pedyo nemvura. |
|
| 7 |
|
| Mvura inobva pazvirongo zvake, Mbeu dzake dzichava pamvura zhinji. Mambo wake achakurira Agagi, Ushe hwake huchakuriswa. |
|
| 8 |
|
| Mwari akamubudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati; Achapedza vahedheni, ivo vavengi vake; Achavhuna–vhuna mapfupa avo, Nokuvabvoora nemiseve yake. |
|
| 9 |
|
| Anokotama, anovata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? Mumwe nomumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe, Mumwe nomumwe anokutuka, ngaatukwe.” |
|
| 10 |
|
| Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, “Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo zvino chitiza hako kunzvimbo yako; nokuti ndakati ndichakukudza kwazvo; asi tarira, Jehovha adzivisa kukudzwa kwako.” |
|
| 12 |
|
| Bharamu akati kuna Bharaki, “Ko handina kutaurawo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndichiti, |
|
| 13 |
|
| ‘Kunyangwe Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomwoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?’ |
|
| 14 |
|
| Zvino tarira, ndinoenda hangu kurudzi rwangu; uya ndikuudze zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva okupedzisira.” |
|
| 15 |
|
| Akataura nomufananidzo wake, akati, “Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake; |
|
| 16 |
|
| Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye anoziva zivo yoWokudenga–denga, Iye anoona zvinoratidzwa nowaMasimbaose, Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake. |
|
| 17 |
|
| Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedyo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope. |
|
| 18 |
|
| Edhomu ichava nhaka yake, NeSeiriwo ichava nhaka yake, ndivo vavengi vake; Asi Isiraeri achakunda. |
|
| 19 |
|
| Mumwe, achabva kuna Jakobho, achava noushe, achaparadza vakasara muguta.” |
|
| 20 |
|
| Zvino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati, “Amareki ndiye wokutanga wavahedheni, Asi pakupedzisira achaparadzwa.” |
|
| 21 |
|
| Zvino akatarira vaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati, “Ugaro hwako hwakasimba, Dendere rako rakateyiwa padombo. |
|
| 22 |
|
| Kunyangwe zvakadaro Kaini achaparadzwa, Kusvikira iwe uchitapwa naAshuri.” |
|
| 23 |
|
| Akataura nomufananidzo wake akati, “Haiwa! Ndianiko achararama, kana Mwari achiita saizvozvo? |
|
| 24 |
|
| Asi zvikepe zvichabva kurutivi rweKitimi, Zvicharwadza Ashuri, nokurwadza Ebheri, Naiyewo achaparadzwa.” |
|
| 25 |
|
| Ipapo Bharamu akasimuka, akadzokera kunzvimbo yake; naBharaki akaendawo. |
|
|
|
|