|
| 1 |
|
| Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, vanhu vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu, |
|
| 2 |
|
| avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava. |
|
| 3 |
|
| Saka Israeri akabatana navo naBhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo. |
|
| 4 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati makuru pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.” |
|
| 5 |
|
| Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.” |
|
| 6 |
|
| Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana. |
|
| 7 |
|
| Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake; |
|
| 8 |
|
| uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri muMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma; |
|
| 9 |
|
| asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina. |
|
| 10 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 11 |
|
| “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu. |
|
| 12 |
|
| Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye. |
|
| 13 |
|
| Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.” |
|
| 14 |
|
| Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni. |
|
| 15 |
|
| Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani. |
|
| 16 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 17 |
|
| “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya, |
|
| 18 |
|
| nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai panyaya yePeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.” |
|
|
|
|