|
| 1 |
|
| Zvino denda rakati rapfuura, Jehovha akataura naMosesi naEreazari, mwanakomana womupristi Aroni, akati, |
|
| 2 |
|
| “Verengai vanhu vose VaIsiraeri, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vanogona kuenda kuhondo pakati paIsiraeri.” |
|
| 3 |
|
| Mosesi naEreazari mupristi vakataura navo pamapani aMoabhu, paJodhani paJeriko, vakati, |
|
| 4 |
|
| “Verengai vanhu vana makore ana makumi maviri navanopfuura; Jehovha sezvakaraira Mosesi navana VaIsiraeri, vakabuda panyika yeIjipiti.” |
|
| 5 |
|
| Rubheni ndiye aiva mwanakomana wedangwe waIsiraeri; vanakomana vaRubheni ndivo: Hanoki, kwakabva mhuri yavaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yavaParu. |
|
| 6 |
|
| NaHezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naKarimi, kwakabva mhuri yavaKarimi. |
|
| 7 |
|
| Ndidzo mhuri dzavaRubheni: Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitatu, namazana manomwe namakumi matatu. |
|
| 8 |
|
| Vanakomana vaParu vaiva Eriabhu; |
|
| 9 |
|
| navanakomana vaEriabhu, Nemueri naDhatani naAbhiramu; Dhatani naAbhiramu ndivo vakanga vadanwa kumakurukota, vakarwa naMosesi naAroni paboka raKora, nguva yavakarwa naJehovha, |
|
| 10 |
|
| nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza pamwechete naKora musi wakafa boka iro; nguva iyo moto ukaparadza varume vana mazana maviri namakumi mashanu, vakaitwa chiratidzo. |
|
| 11 |
|
| Asi vanakomana vaKora havana kufa. |
|
| 12 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaSimeoni, nemhuri dzavo: Nemueri, kwakabva mhuri yavaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yavaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yavaJakini; |
|
| 13 |
|
| naZera, kwakabva mhuri yavaZera; naShauri, kwakabva mhuri yavaShauri. |
|
| 14 |
|
| Ndidzo mhuri dzavaSimeoni, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri. |
|
| 15 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: Zefoni, kwakabva mhuri yavaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yavaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yavaShuni; |
|
| 16 |
|
| naOzini, kwakabva mhuri yavaOzini; naEri, kwakabva mhuri yavaEri; |
|
| 17 |
|
| naArodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; naAreri, kwakabva mhuri yavaAreri. |
|
| 18 |
|
| Ndidzo mhuri dzavanakomana vaGadhi; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu. |
|
| 19 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaJudha: Eri naOnani; asi Eri naOnani vakafira munyika yeKenani. |
|
| 20 |
|
| Ndivo vanakomana vaJudha, nemhuri dzavo: Shera, kwakabva mhuri yavaShera; naPerezi kwakabva mhuri yavaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yavaZera. |
|
| 21 |
|
| Ndivo vanakomana vaPerezi: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; naHamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri. |
|
| 22 |
|
| Ndidzo mhuri dzaJudha; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvitanhatu namazana mashanu. |
|
| 23 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaIsakari, nemhuri dzavo: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; naPuva, kwakabva mhuri yavaPuva; |
|
| 24 |
|
| naJashubhi, kwakabva mhuri yavaJashubhi; naShimironi, kwakabva mhuri yavaShimironi. |
|
| 25 |
|
| Ndidzo mhuri dzaIsakari; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana matatu. |
|
| 26 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaZebhuruni, nemhuri dzavo: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; naEroni, kwakabva mhuri yavaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri. |
|
| 27 |
|
| Ndidzo mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana mashanu. |
|
| 28 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo: Manase naEfuremu. |
|
| 29 |
|
| Ndivo vanakomana vaManase: Makiri, kwakabva mhuri yavaMakiri; Makiri wakabereka Gireadhi; kunaGireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi. |
|
| 30 |
|
| Ndivo vanakomana vaGireadhi: Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yavaHereki; |
|
| 31 |
|
| naAsirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; naShekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu; |
|
| 32 |
|
| naShemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; naHeferi, kwakabva mhuri yavaHeferi. |
|
| 33 |
|
| Asi Zerofehadhi, mwanakomana waHeferi, akanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNowa, naHogira, naMirika, naTiriza. |
|
| 34 |
|
| Ndidzo mhuri dzaManase; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezviviri namazana manomwe. |
|
| 35 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaEfuremu, nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yavaShutera; naBhekeri, kwakabva mhuri yavaBhekeri; naTahani, kwakabva mhuri yavaTahani. |
|
| 36 |
|
| Ndivo vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yavaErani. |
|
| 37 |
|
| Ndidzo mhuri dzavanakomana vaEfuremu; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Ndivo vanakomana vaJosefa, nemhuri dzavo. |
|
| 38 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; naAshibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; naAhirami, kwakabva mhuri yavaAhirami; |
|
| 39 |
|
| naShefufami, kwakabva mhuri yavaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yavaHufami. |
|
| 40 |
|
| Ndivo vanakomana vaBhera: Aridhi naNamani; kuna Aridhi kwakabva mhuri yavaAridhi; naNamani, kwakabva mhuri yavaNamani. |
|
| 41 |
|
| Ndivo vanakomana vaBhenjamini, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu. |
|
| 42 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaDhani, nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Ndivo vemhuri dzaDhani, nedzimba dzavo. |
|
| 43 |
|
| Mhuri dzose dzavaShuhami, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu nezvina namazana mana. |
|
| 44 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaAsheri, nemhuri dzavo: Imuna, kwakabva mhuri yavaImuna; naIshivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; naBheria, kwakabva mhuri yavaBheria. |
|
| 45 |
|
| Ndivo vanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; naMakieri, kwakabva mhuri yavaMakieri. |
|
| 46 |
|
| Zita romwanasikana waAsheri rakanga riri Sera. |
|
| 47 |
|
| Ndidzo mhuri dzaAsheri; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitanhatu namazana mana. |
|
| 48 |
|
| Ava ndivo vanakomana vaNafutari, nemhuri dzavo: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeri; naGuni, kwakabva mhuri yavaGuni; |
|
| 49 |
|
| naJezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi. |
|
| 50 |
|
| Ndidzo mhuri dzaNafutari, nemhuri dzavo; vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana mana. |
|
| 51 |
|
| Ndivo vakaverengwa kuvana VaIsiraeri, vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nechiuru chimwe namazana manomwe namakumi matatu. |
|
| 52 |
|
| Jehovha akataura naMosesi, akati, |
|
| 53 |
|
| “Nyika inofanira kugoverwa pakati paivava, ive nhaka yavo, vachiverengwa namazita avo. |
|
| 54 |
|
| Vazhinji nofanira kuvapa nhaka zhinji; vashoma unofanira kuvapa nhaka shoma; mumwe nomumwe unofanira kupiwa sezvavakaverengwa. |
|
| 55 |
|
| Kunyangwe zvakadaro nyika inofanira kugoverwa nemijenya; vachapiwe nhaka namazita amarudzi amadzibaba avo. |
|
| 56 |
|
| Nhaka yavo inofanira kugoverwa nemijenya kana vari vazhinji kana vari vashoma.” |
|
| 57 |
|
| Zvino ndivo vakaverengwa kuvaRevhi, nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari. |
|
| 58 |
|
| Ndidzo mhuri dzavaRevhi: Mhuri yavaRibhini, nemhuri yavaHebhuroni, nemhuri yavaMari, nemhuri yavaMushi, nemhuri yavaKora. Kohati akabereka Amuramu. |
|
| 59 |
|
| Zita romukadzi waAmuramu rakanga riri Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi, wakaberekerwa Revhi paIjipiti; ndiye wakaberekera Amuramu, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanzvadzi yavo. |
|
| 60 |
|
| Aroni akaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, naEreazari, naItamari. |
|
| 61 |
|
| Nadhabhi naAbhihu vakafa, nguva yavakauyisa moto usina kufanira pamberi paJehovha. |
|
| 62 |
|
| Vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvitatu, murume mumwe nomumwe wakanga ano mwedzi mumwe navanopfuura; nokuti havana kuverengwa pakati pavana VaIsiraeri, nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavana VaIsiraeri. |
|
| 63 |
|
| Ndivo vakaverengwa naMosesi naEreazari mupristi, vakaverenga vana VaIsiraeri pamapani aMoabhu, paJodhani paJeriko. |
|
| 64 |
|
| Asi pakati pavo kwakanga kusina murume mumwe wavaya vakaverengwa naMosesi naAroni, vakanga vaverenga vana VaIsiraeri murenje reSinai. |
|
| 65 |
|
| Nokuti Jehovha akanga ati napamusoro pavo, “Zvirokwazvo vachafira murenje.” Hakuna mumwe wavo akanga asara, asi Karebhu, mwanakomana waJefune, naJoshua, mwanakomana waNuni. |
|
|
|
|