|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, |
|
| 2 |
|
| “Raira vana VaIsiraeri, uti kwavari, ‘Munofanira kurangarira kundipa nenguva yazvo yakafanira zvipo zvangu, izvo zvokudya zvangu zvezvipiriso zvangu zvinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kwandiri.’ |
|
| 3 |
|
| Unofanira kuti kwavari, ‘Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondohwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose. |
|
| 4 |
|
| Rimwe gwayana unofanira kuuya naro mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; |
|
| 5 |
|
| nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa. |
|
| 6 |
|
| Ndicho chipiriso chinofanira kupiswa nguva dzose, chakarairwa pagomo reSinai, chive chinonhuwira zvakanaka, chipiriso chinopisirwa Jehovha.’ |
|
| 7 |
|
| Nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chechina chehini chegwayana rimwe nerimwe; unofanira kudururira Jehovha chipiriso chezvinodhaka. |
|
| 8 |
|
| Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. |
|
| 9 |
|
| “Asi nomusi weSabata munofanira kuuya namakwayana amakondohwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa. |
|
| 10 |
|
| Ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa. |
|
| 11 |
|
| “Pakuvamba kwemwedzi yenyu munofanira kuuya nechipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku negondohwe rimwe, namakwayana manomwe amakondohwe egore rimwe, asina kuremara; |
|
| 12 |
|
| nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, panzombe imwe neimwe; nezvegumi zviviri zvoupfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, pagondohwe rimwe nerimwe; |
|
| 13 |
|
| nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha. |
|
| 14 |
|
| Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondohwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose. |
|
| 15 |
|
| Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa. |
|
| 16 |
|
| “Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kurangarira Pasika yaJehovha. |
|
| 17 |
|
| Mutambo unofanira kuitwa nezuva regumi namashanu romwedzi uyo; chingwa chisina kuviriswa chinofanira kudyiwa mazuva manomwe. |
|
| 18 |
|
| Pazuva rokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; kuSabata mabasa avaranda pazuva iro; |
|
| 19 |
|
| asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe, zvive zvisina kuremara kwamuri; |
|
| 20 |
|
| nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; munofanira kuuya nezvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe. |
|
| 21 |
|
| Unofanira kuuya nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana manomwe; |
|
| 22 |
|
| nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho. |
|
| 23 |
|
| Munofanira kuuya naizvozvo kunze kwechipiriso chinopiswa chamangwanani, chinofanira kupiswa nguva dzose. |
|
| 24 |
|
| Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa. |
|
| 25 |
|
| Pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda naro. |
|
| 26 |
|
| “Uye pazuva rezvitsva, kana muchiuya nechipiriso chitsva choupfu kuna Jehovha pamutambo wenyu wamavhiki, munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda. |
|
| 27 |
|
| Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe egore rimwe; |
|
| 28 |
|
| nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe, |
|
| 29 |
|
| nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe; |
|
| 30 |
|
| nenhongo imwe yembudzi, zvokuyanisira nazvo. |
|
| 31 |
|
| Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu. |
|
|
|
|